Accessibility links

Breaking News

VeMabhizimisi neVashandi Vopesana Maonero paNyaya yeZororo reKisimusi


Vemabhizimisi nevashandi vane muonero wakasiyana panyaya yekushomeka kwemari nemanetsero ari kuita zvinhu munyika.

Vemabhizimisi nevashandi vane muonero wakasiyana panyaya yekushomeka kwemari nemanetsero ari kuita zvinhu munyika munyaya dzezvehupfumi.

Munguva yakare, panguva ino yekisimusi vemabhizimisi ndipo pavaiita mari yakawanda zvinhu zvichifamba.

Asi munyori mukuru weZimbabwe Congress of Trade Union, VaJaphet Moyo, vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuvashandi nekuda kwekushaya mari yemuhoro uye mabhonasi. Vati nekuda kwekushaya mari uku, hapana chekufarira pakisimusi.

VaMoyo vanoti kushomeka kwemari mumabhanga kuri kupawo kuti zvinhu zvinetse kumushandi sezvo vashandi vari kupedza nguva yakawanda vachitsvaga mari.

Asi mukuru weConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, vanoti ivo semaonero avo zvinhu zviri kufamba zvakanaka.

VaMutashu vanoti vanhu vari kukurudzirwa kuti vashandise makadhi emaATM kwete mari chete.

Mashoko aya atsinhirwawo nemutungamiri weZimbabwe National Chamber of Commerce VaDavison Norupiri.

VaNorupiri vatiwo vari kufara nemafambiro ari kuita zvinhu mumaindasitiri sezvo zviri kutengwa semakore akare.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti kana vashandi vasiri kubhadharwa zvinonetsa kuti hupfumi hwenyika hufambe zvakanaka.

Doctor Kanyenze vanoti zviri pachena kuti mabond notes haana kubatsira matambudziko akatarisana nevanhu munyika.

Vayambirawo kuti mabond notes akangoparurwa neReserve Bank of Zimbabwe kunenge kuri kusvisikira moto muziso sezvo zvichizoguma zvaita kuti mari ishaye simba.

Zimbabwe yave nemakore akawanda ichitatarika kugadzirisa hupfumi zvapa kuti hurumende itadze kubhadhara vashandi vayo mari yemuhoro nenguva.

Hurumende inoti izvi zviri kukonzerwa nenyaya yezvirango zvakatemerwa nyika nehurumende yekunze.

Asi vanopikisa vanoti kutadza kutonga kweZanu-PF ndiko kwapa kuti nyika iite seyakageza negoka munyama.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG