Accessibility links

Breaking News

Makambani eZvicherwa Anoti Haakwanise Kuwedzera Vashandi Mari yeMihoro


Makambani aya anoti akatarisana nematambudziko munyaya dzemutengo wemagetsi, kuwanikwa kwemari yekuwedzera mabasa pamwe nezvimwe zvaanoshandisa zvisiri kuwanikwa.

Ongororo yakabuda nemusi weMuvhuro inotarisa mamiriro ezvinhu munyaya dzezvicherwa inonzi “State of the Mining Industry Survey” inoti makambani ose anochera zvicherwa, kusanganisira Anglo Platinum, Caledonia Mining Corporation nemamwe, haakwanise kuwedzera vashandi mari gore rinouya.

Makambani aya anoti akatarisana nematambudziko munyaya dzemutengo wemagetsi, kuwanikwa kwemari yekuwedzera mabasa pamwe nezvimwe zvaanoshandisa zvisiri kuwanikwa.

Asi vashandi vari kuchema chema vachitiwo zvinhu zvavaomera sezvo mitengo yezvinhu iri kuramba ichiita chamurambamhuru.

Gore rapera mari inotambiriswa mushandi yepasi pasi yakawedzerwa kusvika pamadhora mazana maviri ane makumi mana nematanhatu emadhora.

Kunyange hazvo vemakambani vari kuti zvinhu zvavaomera, mutevedzeri wegurukota rezvezvicherwa, VaFred Moyo, vakaudza Studio 7 kuti vari kuyedza napose pavanogona kudzikisa mitero kumakambani aya kuti awane chouviri.

Asi zvinhu zvinenge zvaramba zvakaitawo manyama amire nerongo sezvo kambani yeZesa yave kuda mari pamberi kubva kumakambani aya kuti ikwanise kubhadhara magetsi ayiri kutenga kuEskom yekuSouth Africa.

Hatina kukwanisa kubata mutungamiri weChamber of Mines, VaToendepi Muganyi, sezvo vanzi vange vari mumusangano.

Mutungamiri wesangano revashandi reNational Mine Workers' Union of Zimbabwe, VaNdodana Sithole, vanoti vari kushungurudzwa nemashoko ekusawedzerwa mari kwevashandi.

Hurukuro naVaNdodana Sithole
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG