Accessibility links

Breaking News

Chirongwa cheCommand Agriculture Chingashande Here?


Mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa ndivo vari kutungamira chirongwa cheCommand Agriculture ichi.

Pasi pachirongwa ichi varimi vanodarika zviuru zviviri vanopihwa mbeu, mafetiraiza nezvimwe. Hurumende inoti yakaumba homwe ine mari inosvika mamiriyoni mazana mashanu.

Zvirongwa zvakadai zvakamboyedzwawo munyika dzakaita seSoviet Union ichitungamirwa naVaJosef Stalin uye zvikamboitwawo muchina ichitungamirwa naVaMao Zedong.

Mamiriyoni nemamiriyoni evanhu akafa munguva iyi nekuda kwezvirongwa izvi, vamwe vaifa nenzara asi vamwe vachiurayiwa nehurumende idzi.

Asi Zimbabwe inoti chirongwa chayo chakananangana nekuzadza matura uye hurumende haisi kumanikidza varimi kuti vapinde muzvirongwa zvayo.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Dr Prosper Chitambara vanoti chirongwa ichi chinobatsira muhupfumi chikaitwa nemazvo.

Mukuru weZimbabwe Commercial Farmers Union VaPaul Zacharia vanotenderana naVaChitambara asi vachiti zvichanetsa kuti varimi vakwanise kuendesa kuhurumende chibage chinodiwa nekuti zvikwanisiro zvakanonoka kuuya.

Rimwe dambudziko riri kutarisana nechirongwa ichi inyaya yekuti vamwe varimi vave kutengesa nemukoto zvekurimisa izvi.

Asi kunyangwe paine zviri kunetsa, nhengo yeZanu-PF inomirira Makonde mudare reparamende VaKindness Paradza vanoti zvinhu kwavari zviri kuvafambira kupurazi ravo uye vari muchirongwa checommand agriculture.

Mukuru weConfederation of Zimbabwe Industries VaBusisa Moyo vanoti nyaya yekuti Zimbabwe iri kutenga zvirimwa kunze ndiyo yapa kuti munyika mushaike mari uye kuti zvakaita semafuta zvinetse kuwana.

Zimbabwe yakatora minda kubva kuvachena muna 2000 asi kubva pamakore aya hapana chinhu chati chabuda sezvo vari vakawanda vakagarira badza.

Asi gurukota rezvehupfumi VaPatrick Chinamasa vanoti vanofunga kuti hupfumi huchaita zviri nani gore rino sezvo vari kutarisira kuti varimi vachakohwa pakuru.

Zimbabwe yaiwana mari yakawanda kubva kufodya, donje, uye kutengesa mombe dzenyama kunze. Asi ikozvino yave kupedza mari yakawanda ichitenga zvinhu izvi.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG