Bazi rezvehutano rinoti vanhu gumi nevana vakafa nechirwere cheCovid-19 nemusi weChipiri zvasiya vanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zviuru zvina nemazana masere negumi nevapfumbamwe kana kuti 4, 819.
United Nations inoti Zimbabwe iakavandudza mutemo wemasangano akazvimirira oga sezvayakaisa mubhiri inenge ichimbunyikidza kodzero dzenehngo dzemasanagno aya.
Gurukota rinoona nezvematunhu VaJuly Moyo vamisa basa zvekare sakanzura weWard 17 meya weguta reHarare VaJacob Mafume veMDC Alliance avo vachangobva mukudzoka kubasa mushure mekunge vambomiswa zvakare basa.
Mapurisa emuHarare ange akapakatira zvombo neMuvhuro akavhiringidza hurongwa hwemutungamiri webato rinopikisa reMDC Alliance VaNelson Chamisa hwekupa chikafu kune vakwegura nevakarema.
Bazi rezvehutano rinoti vanhu vashanu vakafa nechirwere cheCovid-19 neMuvhuro zvasiya vashaya nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira gore rapera vave zviuru zvina nemazana manomwe nemakumi masere nevaviri kana kuti 4 782.
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaDewa Mavhinga varadzikwa kumusha kwavo kwaHwirisha kuChivhu nemusi weSvondo.
Bazi rezvehutano rinoti vanhu vatatu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro zvasiya vafa kubva zvatanga chirwere ichi kupararira vave zviuru zvina nemazana manomwe nemakumi maviri kana kuti 4, 782.
Mutongi wedare ramejastiriti muHarare Valazini Ncubenemusi weChina vakapa mutongo wekuti mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vape huchapupu hwavo mudare musina vanhu,
Mashoko anotevera anotaura pamire hurumende yeAmerica pakudyidzana kwayo neCuba.
Bazi rezvehutano rinoti vanhu gumi nevana vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro zvasiya vafa nacho vave zviuru zvina nemazana manomwe nemakumi mashanu nemapfumbamwe kana kuti 4, 759.
Nyanzvi munyaya dzezviwanikwa nekuchengetedzwa kwemiti vari mutungamiri wesangano reRainbow Natural Resources Organization, VaSibonile Marwirana, avo vasingaone vari kurumbidzwa zvikuru nemabasa avari kuita kuChimanimani munyaya dzekuchengetedza miti.
Matikitivha eCentral Investigations Department kana kuti CID ekuMasvingo akanyorera tsamba kugweta riri kumirira nhengo yeMDC Alliance, VaNyasha Zhambe Mawere, achiti achiri akamirira tsamba yekuti chii chakamuuraya kubva kuna vanachiremba vasati vapeta kuferefeta kwavari kuita.
Mumashoko kuvatori venhau, muzinda wemutungamiri wenyika yeSouth unoti mutungamiri wenyika iyi VaCyril Ramaphosa vakabatwa nechirwere cheCovid-19 nemusi weSvondo uye vari kuongororwa hutano hwavo nemauto kana kuti South African Military Health Services vari kuCape Town.
Mubato reMDC-T rinotungamirwa naVaDouglas Mwonzora munonzi maita makakatanwa anotyisa uye kunetsana uku kunogona kuguma kwave kumatare edzimhosva.
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden nemusi, weChitaty vakaudza musangano wavakakokera wekukurudzira hutongo hwejekerere pasi rose kuti America yakazvipira kushanda nenyika dzepasi rose kukurudzira hutongo hwejekere.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kushorwa nevamwe vanopikisa vachinzi vari kupa nerudyi votora neruboshwe panyaya yekuvandudza mitemo inonzi nevanorwira kodzero dzevanhu inombunyikidza kodzero dzevanhu.
Chimwe chizvarwa chemuZimbabwe chiri kugara muBritain Engineer Irvine Nyamapfene chiri kutendwa zvikuru nekutungamira hurongwa hweguta reLondon rekugadzira mabhazi anoshandisa simba remagetsi kwete peturu nedhiziri senzira yekumisa kushanduka kwemamiriro ekunze nekusvibiswa kwemweya wekufema.
Apo hurukuro dziri kuenderera mberi kuti bhajeti rakaparurwa negurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube rotambirwa here nedare reparamende kana kuti kwete, pave kubuda mutauro wakanyanya.
Mukuru anoona nezvekurwisa chirwere cheCovid-19 munyika Dr Agnes Mahomva vari kukurudzira vanhu munyika kuti vabayiwe nhomba yekudzivirira Covid-19 kuti chirwere ichi chisapararire zvakanyanya munyika.
Bazi rezvehutano rinoti vanhu chiuru chimwe chete nemakumi masere nemaviri kana kuti 1082 vakabatwa nechirwere checovid-19 chikauraya munhu mumwe chete.
Rodhai zvimwe