Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaDewa Mavhinga varadzikwa kumusha kwavo kwaHwirisha kuChivhu nemusi weSvondo.
VaMavhinga vakashaya musi wa 4 Zvita kuSouth Africa uye vange vave nemakore makumi mana nemaviri.
Vamwe vainge vari pakuvigwa kwaVaMavhinga vanosanganisira mutungamiri webato rinopikisa reMDC Alliance VaNelson Chamisa uye mutungamiri werimwe bato rinopikisa reNational Constitutional Assembly Muzvinafundo Lovemore Madhuku.
Vakuru vemasangano akazvimirira akawanda nevamwe vanhu vakange vari pakuradzikwa kwaVaMavhinga.
Mushakabvu ainge ari mutungamiri wesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica uye asiya mudzimai Amai Fiona Mavhinga, nevana vana. VaMavhinga vakadzidzira zvemutemo paUniversity of Zimbabwe.
Mushakabvu aizivikanwa nekubatsira varombo kunyanya vanenge vatyorerwa kodzero dzavo. Vaitaura vasingaite zvekuruma vachifuridzira. VaMavhinga vaigarawo vachitaura zvakanyanya panhepfenyuro ino yeStudio 7.
Facebook Forum