Accessibility links

Breaking News

VaSibonile Marwirana Voremekedzwa kuManicaland neBasa Ravo reKudyara Miti


Nyanzvi munyaya dzezviwanikwa nekuchengetedzwa kwemiti vari mutungamiri wesangano reRainbow Natural Resources Organization, VaSibonile Marwirana, avo vasingaone vari kurumbidzwa zvikuru nemabasa avari kuita kuChimanimani munyaya dzekuchengetedza miti.

Kanzuru yeChimanimani Rural District yakatonyora tsamba yekutsigira mabasa avanoita ichiti anobatsira zvairi kuita kuchengetedza zviwanikwa

Bazi rinoona nezvezviwanikwa rinoti Zimbabwe iri kurasikirwa nemahekita zviuru mazana maviri nemakumi matanhatu kana kuti 260 00 hectares pagore nekutemwa kwemiti.

Moto unonzi unopisawo mahekita miriyoni imwe chete yehuswa nemiti pagore. Kudzimwa dzimwa kwemagetsi kuri kupawo kuti vanhu vateme huni dzekubikisa.

Sangano rinoona nezvekuchengetedzwa kwezviwanikwa reEnvironmental Management Authority rinoti mudunhu reManicaland moto iri kungobatidzwa ichipisa miti yakwira nezvikamu zana nemakumi matatu nezvishanu kubva muzana gore rino zvichienzaniswa negore rapera.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG