Accessibility links

Breaking News

Mapazi eHurumende neVamwe veParamende Voramba Kutambira Bhajeti ra2022


Gurukota rezvemari VaMthuli Ncube
Gurukota rezvemari VaMthuli Ncube

Apo hurukuro dziri kuenderera mberi kuti bhajeti rakaparurwa negurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube rotambirwa here nedare reparamende kana kuti kwete, pave kubuda mutauro wakanyanya.

Mapazi ehurumende akawanda ari kuti mari dzavakapihwa hadzina zvadzinobatsira uye VaNcube vane nhoroondo yekusavapa mari dzavanenge vataura mubhajeti.

Bhajeti rakaparurwa naVaNcube rinofanira kutambirwa nematare ose eparamende anoti reHouse of Assembly neSenate kuti ritange kushanda zviri pamutemo.

Asi rwendo rwuno dzimwe nhengo dzedare reparamende dziri kuti haiziyiwe. Vamwe vasiri kufara nebhajeti rakaparurwa iri mumiriri weNorton VaTemba Mliswa. Vanoti VaNcube havafanire kuvimbisa mari dzavasingazope mapazi ehurumende.

Vakafanobata chigaro chemubati wehomwe mubazi rezvehutano Amai Lynette Tennis vakaudza dare reparamende kuti mari yakapihwa bazi ravo haikwane uye inotoisa hupenyu hwevanhu munjodzi. Bazi iri rakapihwa mari inosvika mabhiriyoni zana negumi nemanomwe kana kuti 117 billion yemunyika mubhajeti regore rinouya.

Amai Tennis vakati zvikamu makumi masere nemashanu kubva muzana zvemari yekurapa TB, Malaria, hutano hwemadzimai nezvimwe yakabva kumasangano akazvimirira anoti Global Fund nehomwe yemutungamiri wenyika yeAmerica yePresident’s Emergency Plan For Aids Relief.

Asi muzinda weAmerica wakatozivisa hurumende kuti itsvage nzira dzekubatsira vanorarame nehutachiona hweHIV/Aids. Hurumende yaibatsirikana zvikuru nemari yehomwe yeAIDS Levy inobatirwa vashandi asi inonzi yave shoma sezvo vakawanda vari kuzviitira mabasa emaoko vasingabhadhare.

Rimwe bazi riri kuti rakapihwa mari ishoma nderedzidzo riri kuti zvirongwa zvakaita sezve Continuous Assessment Learning Activity kana kuti CALA zvichazviringidzwa zvakanyanya nemari shoma yarakapihwa.

VaMliswa vanoti kugadzirisa dambudziko iri dai hurumende yaita bhajeti nemari yekuAmerica.

VaMliswa vanoti zviri nani hazvo kuti dai VaNcube vakaparura bhajeti iri nemari yekuAmerica.

Mashoko aya atsinhirwa nemunyori mukuru musangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions VaJaphet Moyo.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi VaVictor Bhoroma vanoti mari inoshandiswa haina hayo kunyanya kukosha nekuti.

VaNcube vakazivisa havo kuti mapazi ehurumende akanga akumbira mari inoda kusvika matrilion maviri nemabhiriyoni manomwe kana kuti 2, 7 trillion yemunyika asi ivo vainge vaine mari inodarika zvishoma mabhiriyoni mazana mapfumbamwe nemakumi maviri nemanomwe kana kuti 927 billion yemunyika.

VaNcube vakati chavari kuyedza kuita mubhajeti yavo kubatsira varombo kunyanya.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG