Accessibility links

Breaking News

Vanhu Gumi neVana Vofa neChirwere cheCovid-19 neMusi weChipiri


mutumbi wemunhu akafa neCOVID-19 uri mumochari
mutumbi wemunhu akafa neCOVID-19 uri mumochari

Bazi rezvehutano rinoti vanhu gumi nevana vakafa nechirwere cheCovid-19 nemusi weChipiri zvasiya vafa nacho vave zviuru zvina nemazana manomwe nemakumi mashanu nemapfumbamwe kana kuti 4, 759.

Vanhu zviuru zvina nemazana matatu nemakumi matanhatu nevanomwe kana kuti 4, 367 vakabatwa nechirwere ichi neChipiri zvasiya vabatwa nacho kubva zvachatanga kupararira gore rapera vave zana rezviuru nemakumi masere nemaviri ane makumi mashanu nevanomwe kana kuti 182 and 57.

Bazi rezvehutano rinotiwo vanhu vabayiwa nhomba yeCovid-19 kekutanga vave mamiriyoni matatu nezviuru mazana mapfumbamwe nemakumi mapfumbamwe nemapfumbamwe zvine zana nemakuki manomwe kana kuti 3 99 170.

Vanhu vabayiwa nhomba kaviri sezviri kukurudzirwa vave mamiriyoni matatu nezviuru gumi nevatu zvine mazana matatu nemakumi masere nevashanu kana kuti 3 013 385.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba mukupera kwemwedzi uno kuti inyatsoshande zvakanaka.

Mukuru anoona nezvekudzivirira denda reCovid-19 munyika Dr Agnes Mahomva avo vanoti vanhu vanenge vanzi vagare pavo voga nekuda kwechirwere ichi vanofanira kuita saizvozvo kuti vasazoparadzire chirwere.

Vaudza Studio 7 kuti vanhu vanofanira kubayiwa nhomba yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG