Accessibility links

Breaking News

America Yotemera Vamwe Vakuru veMauto vemuCuba Zvirango


VaAnthony Blinken, gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika
VaAnthony Blinken, gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika

Mashoko anotevera anotaura pamire hurumende yeAmerica pakudyidzana kwayo neCuba.

Zvichitevera kuratidzira kune mutsindo kwekukurudzira hutongo hwejekerere munyika yeCuba musi wa 11 Chikumi, vanhu vakaronga kuratidzira kechipiri musi wa 15 Mbudzi.

Asi hurumende yeCuba yakarambidza kuratidzira uku uye vaida kuratidzira vakarambidzwa kana kutobuda mudzimba dzavo nemapurisa nevamwe vanochengetedza nyika.

Vanhu makumi masere nevanomwe vakasungwa uye vamwe gumi nemumwe vachiri muhusungwa. Aitungamira kuratidzira uku uye ari munyori Yunior Garcia Aguilera akamanikidzwa kuenda muhupoeri kuSpain.

Nekuda kwekumbunyikidza vanhu vairatidzira murunyararo ava, hurumende yeAmerica kuburikidza nebazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika yakatemera zvirango zvekufamba kune vanhu gumi nemumwe vari muhurumende yeCuba.

Bazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika rakaita izvi kuburikidza nemitemo inopa mutungamiri wenyika yeAmerica masimba aya kana kuti Presidential Proclamation 5377 chinorambidza vakuru vehurumende yemuCuba pamwe nevanoishandira kupinda muAmerica. Vakatemerwa zvirango ava vanosanganisira vakuru mubazi rezvekusora uye vemauto eRevolutionary Armed Forces.

Mumazuva mashoma kuratidzira kwainge kwarongwa musi wa15 Mbudzi kusati kwaitwa, hurumende yeCuba yaimbunyikidza vatori venhau nevanopikisa kudzimba dzavo uye kutorera marezinesi vamwe vatori venhau nechinangwa chekukanganisa kodzero dzavo.

Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaAnthony Blinken vanoti vanhu vakatemerwa zvirango ndivo vainge vari pamberi mukutyora kodzero dzevanhu.

VaBlinken vanoti zvirango zvekufamba izvi zvinofambisa mberi chinangwa cheAmerica chekutsigira vanhu vemuCuba uye kuranga vose vari muhurumende nevanoibatsira kutyora kodzero dzevanhu.

Vanoti America icharamba ichishandisa zvose zvainokwanisa zvisingasanganisire hondo zvakafanana nezvirango zvehupfumi kuti Cuba isungunure vari muhusungwa uye kupa vanhu kodzero dzavo dzekuratidzira murunyararo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG