Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weSouth Africa VaRamaphosa Vobatwa neCovid-19


Cyril Ramaphosa , presidente da África do Sul (6 Maio 2021)
Cyril Ramaphosa , presidente da África do Sul (6 Maio 2021)

Mumashoko kuvatori venhau, muzinda wemutungamiri wenyika yeSouth unoti mutungamiri wenyika iyi VaCyril Ramaphosa vakabatwa nechirwere cheCovid-19 nemusi weSvondo uye vari kuongororwa hutano hwavo nemauto kana kuti South African Military Health Services vari kuCape Town.

VaRamaphosa vanonzi havasi kunyanya kurwara uye vakabayiwa nhomba yekudzivirira Covid-19.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika iyi VaDavid Mabuza ndivo vave kufanobata matomu VaRamaphosa vachirapwa.

Vanhu vose vakange vari pedyo naVaramaphosa nemusi weSvondo vari kukurudzirwa kunovhenekwa.

Svondo rapera VaRamaphosa vakashanyira nyika ina dzekumawirira kweAfrica dzinoti Nigeria, Cote d' ivoire, Ghana neSenegal uye panguva yose iyi vaivhenekwa asi vange vachinzi havana hutachiona hweCovid-19.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG