Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vopomerwa Mhosva Yekushandisa Mutemo Kumbunyikidza Vanopikisa


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kushorwa nevamwe vanopikisa vachinzi vari kupa nerudyi votora neruboshwe panyaya yekuvandudza mitemo inonzi nevanorwira kodzero dzevanhu inombunyikidza kodzero dzevanhu.

Hurumende mazuva apera yakadzika mutemo weData Protection Act uyo une zvikamu zvekusora kana kuti cybersecurity and cybercrimes. Zvikamu zvekusora zvakakatambirwa nevamwe zvichinzi zvinochengetedza nyika.

Asi vamwe vari kugunun’una kuti kuiswa kwehofisi yekusora muhofisi yemutungamiri wenyika inonzi Cybersecurity and Monitoring of Interception of Communications Centre kuchapa kuti kodzero dzevanopikisa dzityorwe sezvo zvinotaurwa nevanopikisa zvinkwanisa kupota zvichisorwa neveCentral Intelligence Organization.

Hurumende iri kudawo kuvandudza mutemo unoona nezvemashandiro emasangano akazvimirira kana kuti Private Voluntary Organization Act. Mamwe masangano akazvimirira oga anoti bhiri iri riri chavaomesera kunyangwe hurumende iri kuti unobatsira kuti vanopfurikidza mwero vasashandise Zimbabwe senzira yekuchenura mari dzehutororo.

Nhengo yeZanu-PF VaGilbert Dzikiti vanoti hurumende haina zvairi kukanganisa nekuti haingaregedze vanhu vachiita madiro aJojina.

Asi mukuru wesangano rakazvimirira reCentre for Natural Resource Governance VaFarai Maguwu vanoti VaMnangagwa vave kutoita kuti mushakabvu Robert Mugabe vaive mutsvene.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG