Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Orambidza VaChamisa Kupa Vakwegura neVakaremara Rubatsiro


Mapurisa emuHarare ange akapakatira zvombo neMuvhuro akavhiringidza hurongwa hwemutungamiri webato rinopikisa reMDC Alliance VaNelson Chamisa hwekupa chikafu kune vakwegura nevakarema. Hurongwa uhu hwange uchiitirwa paZimbabwe Grounds kuHighfield.

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti vange vakabatikana. Hatina kukwanisa kubatawo gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe avo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Bato reMDC Alliance rinoti riri kushamisika kuti sei mapurisa asiri kurambidza bato reZanu-PF kuita zvirongwa zvaro zvimwe zvacho zviri kuita mhirizhonga.

Asi nyaya yekumbunyikidza vanopikisa ndiyo iri kushorwa zvakanyanya nevanorwira kodzero dzevanhu kusanganisira United Nations iri kuti Covid-19 haifanire kushandiswa kutyora kodzero dzevanhu uye kumbunyikidza vanopikisa.

Sachigaro wedunhu reHarare MDC Alliance VaWellington Chikombo vati zviri pachena kuti mapurisa ave kusnhdiswa sembato neZanu-PF.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG