Accessibility links

Breaking News

Bazi rezveHutano Rinoti Vanhu Gumi neVana Vakafa neChirwere cheCovid-19 neMusi weChipiri


Zimbabwe, March 24, 2021.
Zimbabwe, March 24, 2021.

Bazi rezvehutano rinoti vanhu gumi nevana vakafa nechirwere cheCovid-19 nemusi weChipiri zvasiya vanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zviuru zvina nemazana masere negumi nevapfumbamwe kana kuti 4, 819.

Vanhu zviuru zviviri nemazana matanhatu nemakumi masere nevapfumbamwekana kuti 2 689 vakabatwa nechirwere ichi neChipiri zvakare zvasiya vabatwa nacho kubva zvachatanga kupararira vave zana rezviuru nemakumi mapfumbamwe nemanomwe zvine mazana manomwe nemakumi matanhatu nemasere kana kuti 197 768.

Vanhu vabayiwa nhomba yekutanga vave mamiriyoni mana nezviuru makumi matanhatu nemapfumbamwe zvine makumi maviri nematanhatu kana kuti 4 069 026.

Vanhu vabayiwa nhomba kechipiri vave mamiriyoni matatu nezviuru makumi masere nemaviri zvine mazana matanhatu nemakumi mashanu nemumwe kana kuti 3 082 651. Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba mukupera kwemwedzi uno kuti inyatsoshanda zvakanaka.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG