Matikitivha eCentral Investigations Department kana kuti CID ekuMasvingo akanyorera tsamba kugweta riri kumirira nhengo yeMDC Alliance, VaNyasha Zhambe Mawere, achiti achiri akamirira tsamba yekuti chii chakamuuraya kubva kuna vanachiremba vasati vapeta kuferefeta kwavari kuita.
Mufi anofungidzirwa kuti akapondwa nevatsigiri veZanu-PF.
Mutsamba iri mumaoko eStudio 7, mapurisa anoti akapihwa mumaoko tsamba kubva kumagweta pamhosva ine nhamba dzekuti RRB 4596219.
Mapurisa mutsamba iyi anoti anotarisirwa kuva netsamba kubva kuna vanachiremba sezvo vari kuferefeta nyaya yekupondwa kwemunhu zvinoiswa mugwaro rinonzi 234 remapurisa.
VaMawere vanonzi vakaitwa kafiramberi muna Gumiguru apo mutungamiri webato ravo, VaNelson Chamisa, vaiita misangano nevakuru venzvimbo nevatsigiri vavo kuMasvingo.
Vakazoshaya mukupera kwaMbudzi vari muchipatara kuHarare.
Vainge vakafanobata chigaro chemutauirir weZanu-PF panguva yemhirizhonga iyi, VaPatrick Chinamasa, vakati panguva iyi veMDC Alliance ndivo vaikonzera mhirizhonga nekuti vaida kutaura nevanhu vaisada kunzwa zvavaitaura.
Kunyange vakadoma vanhu vainge vavaita kafiramberi, hapana ati asungwa zvakapa kuti gweta ravo, VaMartin Mureri, vanova nhengo yeZimbabwe Lawyers for Human Rights vanyorere mapurisa tsamba vachida kuziva kuti sei zviri kutora nguva kusunga vari kupomerwa mhosva.
Mapurisa akatombochengetedza muhusungwa mudzimai wemufi nemunin’ina wake apo vakaenda kukamba yavo vachinyunyuta nemabatirwo ari kuitwa nyaya iyi nemapurisa.
VaMureri vaudza Studio7 kuti havasi kufara nekunonoka kwemapurisa kusunga vari kupomerwa mhosva yekuponda.
Facebook Forum