Accessibility links

Breaking News

Meya weGuta reHarare VaMafume Vomiswa Basa Zvekare Asi Vachivimbisa Kuramba Vachienda kuBasa


VaJacob Mafume
VaJacob Mafume

Gurukota rinoona nezvematunhu VaJuly Moyo vamisa basa zvekare sakanzura weWard 17 meya weguta reHarare VaJacob Mafume veMDC Alliance avo vachangobva mukudzoka kubasa mushure mekunge vambomiswa zvakare basa.

Asi VaMafume vari kutsika madziro vachiti vacharamba vachienda kubasa.Mutsamba kuna VaMafume, VaMoyo vati zviri pachena kuti vari kutyora zvakatarwa nedare kuti vasataure nezvapupu panyaya yavari kupomerwa yekuita zvehuori nekuenda kubasa kune vamwe vavakanzi vasataure navo.

VaMoyo vati pavanenge vakamiswa basa VaMafume havafanire kutambiriswa mari nekanzuru. Mukuzeya nyaya iyi tabata vaMafume.

VaMafume vakambosungwa muna Zvita 2020 vachipomerwa mhosva yehuori panyaya yekutengesa dzimba asi nyaya iyi haisati yapera kutongwa kumatare,

VaMafuma vaidza Studio 7 kuti hurumende yave kushandisa mukana wekuvamisa basa kuti iite zvehuori sezvo pasina ari kupikisa zvainenge ichiita.

Vanofanobata chigaro chameya kana VaMafume vasipo, VaStewart Mtizwa varamba kutaura nezvenyaya iyi vachiti VaMoyo ndivo vanokwanisa kutaura nezvayo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG