Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vatatu Vofa neChirwere cheCovid-19 neMugovera


Bazi rezvehutano rinoti vanhu vatatu vakafa nechirwere cheCovid-19 nemusi weMugovera zvasiya vafa kubva zvatanga chirwere ichi kupararira vave zviuru zvina nemazana manomwe nemakumi maviri kana kuti 4, 782.

Vanhu zviuru zviviri nezana nevatanhatu kana kuti 2, 106 vakabatwawo nechirwere ichi zvasiya vanhu zana rezviuru nemakumi mapfumbamwe nechimwe zvine mazana matanhatu nemakumi manomwe nematatu kana kuti 191 673 vabatwawo nechirwere ichi kusvika parizvino.

Vanhu vabayiwa nhomba kaviri vave mamiriyoni matatu nezviuru zvitanhatu nezvitatu zvine mazana mapfumbamwe nemakumi matatu nemana kana kuti 3 063 934. Vanhu vabayiwa kekutanga vave mamiriyoni mana nezviuru makumi mana nemanomwe zvine mazana manomwe nemakumi mana nematatu kana kuti 4 047 743.

Hurumende inoti ine chinangwa chekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana mukupera kwemwedzi uno kuti inyatsoshanda. Kuuya kwemhando itsva yeCovid-19 kwapa kuti huwandu hwevari kurwara neCovid-19 huwedzere zvakanyanya.

Pakazivisa hurumende kuti mhando itsva yechirwere ichi yainge yawanikwa munyika musi wa 5 Zvita painge paine vanhu zviuru zviviri nemazana masere nemakumi mana nematatu kana kuti 2 843 vairwara.

Asi neMugovera vari kurwara vainge vave zviuru kamumi mashanu nechimwe nezana nemakumi matatu nematanhatu kana kuti 51 136.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano Dr Enoch Mayida vaudza Studio 7 kuti zvakakosha kuti vanhu vabayiwe nhomba sezvo iri iyo chete nzira inopa kuti vasarware zvakanyanya kana kufa neCovid-19.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG