Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vanoti Mitemo yeCovid-19 Haisi Kushanda Kudzivirira kweMhando Itsva yeOmicron.


Bazi rezvehutano rinoti vanhu chiuru chimwe chete nemakumi masere nemaviri kana kuti 1082 vakabatwa nechirwere cheCovid-19 chikauraya munhu mumwe chete.

Izvi zvinoreva kuti vanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira gore rapera vave zviuru zvina nemazana manomwe nemapfumbamwe kana kuti 4, 709.

Vanhu vabatwa nechirwere ichi vave zviuru zana nemakumi matatu nemasere zvine mazana mashanu nemakumi maviri nematatu kana kuti 138, 523.

Mumazuva matatu adarika, vanhu vanodarika chiuru chimwe chete vari kubatwa nechirwere ichi pazuva. Vanhu mamiriyoni matatu nezviuru mazana masere nemakumi matanhatu nemashanu zvine mazana maviri nemakumi masere nemanomwe kana kuti 3 867 287 vabayiwa nhomba yeCovid-19 kekutanga.

Vanhu vabayiwa kaviri sezviri kukurudzirwa vave mamiriyoni maviri nezviuru mazana masere nemakumi manomwe nematanhatu zvine makumi mashanu nematanhatu kana kuti 2 876 056.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba mukupera kwemwedzi uno kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana.

Zvichakadaro, apo huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi hwave kukwira zvakanyanya, vaimbova gurukora rezvehutano Doctor Henry Madzorera vanoti mimwe mitemo yakadzikwa nehurumende kwemavhiki maviri kuyedza kudzivirira kupararira kwechirwere ichi haina zvakawanda zvainobatsira.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakadzika mitemo inosungira vashanyi munyika kumbogara pavo vega kwemazuva gumi uye kuvhenekwa Covid-19 panhandare yendege.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG