Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vashanu Vakafa neChirwere cheCovid-19 neSvondo


Bazi rezvehutano rinoti vanhu vashanu vakafa nechirwere cheCovid-19 nemusi weSvondo zvasiya vashaya nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira gore rapera vave zviuru zvina nemazana manomwe nemakumi masere nevaviri kana kuti 4 782.

Vanhu chiuru chimwe chete nezana nemakumi maviri nevatatu kana kuti 1 123 vakabatwa nechirwere ichi zvasiya vabatwa nacho vave zviuru zana nemakumi mapfumbamwe nemaviri zvine mazana manomwe nemakumi mapfumbamwe nematanhatu kana kuti 192 796.

Bazi rezvehutano rinotiwo vanhu mamiriyoni mana nezviuru makumi mashanu nematatu zvine mazana masere nemakumi masere nemapfumbamwe kana kuti 4 053 889.

Vanhu vabayiwa nhomba kechipiri vave mamiriyoni matatu nezviuru makumi matanhatu nemapfumbamwe zvine mazana mashanu nemakumi maviri nematanhatu kana kuti 3 069 526.

Bazi rezvehutano rinoti rine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba mukupera kwemwedzi uno kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana kuti inyatsoshanda.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG