Accessibility links

Breaking News

United Nations Yonyorera VaMnangagwa Tsamba Ichiti Kuvandudza Kwavo Mutemo weMasangano Akazvimirira Kunotyora Mutemo


VaEmmerson Mnaangagwa
VaEmmerson Mnaangagwa

Nhumwa dzeUnited Nations ina kana kuti Special Rapporteurs dzinoshanda mumasangano anoona nezvekodzero dzevanhu dzakasiyana siyana anyora tsamba kumutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa dzichiti bhiri rakaparurwa neZimbabwe kuvandudza mashandiro emasangano akazvimirira oga kana kuti Private Voluntary Organanization Amendment Bill rikatambirwa sezvarakaita rinenge richimbunyikidza zvakanyanya kodzero dzenhengo dzemasangano aya uye kutyora mitemo yenyika nekunze.

Vanyora tsamba iyi vanoti nhumwa inoona nezvekodzero dzevanhu nerunyararo VaClement Nyaletsossi Voule, inoona nezvekodzero dzevanhu nenyaya dzekuyanya, Amai Irene Khan, inoona nezvekodzero dzevanorwira kodzero dzevanhu Amai Mary Lawlor uye inoona nezvekusimudzira nyaya dzekodzero dzevanhu nekurwisa vanopfurikidza mwero Amai Fionnuala ni Aolain.

Nhumwa idzi dzati zviri kuitwa neZimbabwe handizvo zvinotarisirwa kuitwa pasi rose nedzimwe nyika uye vakazvipira kutaura naVaMnangagwa nezvenyaya iyi.

United Nations inoti bhiri reZimbabwe rinotyora chibvumirano chayakaisa runyoro rwayo muna 1991 cheInternational Covenanton Civil and Political Rights chinopa vanhu kodzero yekudyidzana nevavanoda.

Bhiri iri riri kunzi riri kutyora chimwe chibvumirano cheUnited Nations chekodzeo dzevanhu kana kuti Declaration of Human Rights chinosungira nyika kuchengetedza nekuremekedza kodzero dzevanhu.

Nhumwa idzi dzati FATF yakatobuda pachena kuti zvisungo zvayo hazvifanire kushandiswa kumbunyikidza kodzero dzevanhu. United Nations inoti mimwe mitemo iri kuda kuvandudzwa haina kujeka zvinopa kuti hurumende nematare vagume vongota havo madiro aJojina.

Asi vachitaura neStudio pakaparurwa bhiri iri gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vakamboti hausati wave mutemo asi vachiri kuda kunzwa pfungwe dzevanhu uye vari kuda kuti mari inoshandiswa nematororo isadarike nemuZimbabwe.

Asi nhumwa idzi dzati zviri kuitwa neZimbabwe handizvo zviri kukurudzirwa kuti zviitwe pahurongwa hwepasi rose zvekurwisa matororo pasi pesangano reFinancial Action Task Force kana kuti FATF.

Mutauriri werimwe sangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimbbwe Lawyers for Human Rights VaKumbirai Mafunda vati vanotambira zvataurwa neUnited Nations uye ndizvo zvavagara vachikurudzira hurumende kuti iite.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG