Accessibility links

Breaking News

VaBiden Vanoti America Yakazvipira Kusimbaradza Hutongo Hwejekerere Pasi Rose


Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden nemusi, weChitaty vakaudza musangano wavakakokera wekukurudzira hutongo hwejekerere pasi rose kuti America yakazvipira kushanda nenyika dzepasi rose kukurudzira hutongo hwejekere.

Musangano uru uri kuitirwa padandemutande nekuda kwekutyira kupararira kwechirwere cheCovid-19 uye uri kuunza pamwe chete vanhu zana negumi vanosanganisira vatungamiri venyika, vemasangano akazvimirira uye vemabhizimisi.

VaJoe Biden
VaJoe Biden

America inoti iri kuita musangano uyu sezvo hutongo hwejekerere watarisana nematambudziko makukutu pasi rose.

VaBiden vanoti vachashanda nedare reCongress vachaisa parutivi mari inosvika mamiriyoni mazana maviri nemakumi maviri nemana kana kuti 224 million yekukurudzira hutongo hwejekerere pasi rose uye kubatsira kuchengetedza vatori venhau nekurwisa huori.

Zimbabwe haina hayo kukokwa kumusangano uyu. Nyika dzemuAfrica dzakakokwa kumusangano uyu dzinosanganisira Botswana, Ghana, Kenya, Malawi, Niger, Nigeria, Senegal, Zambia neSouth Africa.

Pakusakokwa kunhimbe kweZimbabwe, gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda neZimbwbe Human Rights NGO Forum VaWilbert Mandinde vati mimwe mitemo iri kudzikwa nehurumende yakaita sePrivate Voluntary Act yavanoti inovhiringidza masangano akazvimirira oga inoita kuti izobatwa seyakageza negoka munyama nedzimwe nyika.

Dzimwe nyika dziri kupinda mumusangano uyu dzinoti France, Germany, Israel, Iraq, Belgium Australia nedzimwe.

Vanorwira kodzero dzevanhu vanotiwo chirwere cheCovid-19 chapa kuti dzimwe nyika dzishandise mukana uyu kumbunyikidza kodzero dzevanhu uye kuramba kuita sarudzo sezvinonzi zviri kuitwa nehurumende yeZimbabwe.

Hurumende yeZimbabwe iri kuti sarudzo hadzingaitwe nekuda kwechirwere cheCovid-19 zvinonzi nemasangano anorwira kodzero dzevanhu akaita seZimbabwe Election support Network hazvina musoro nekuti nyika dzakawanda kusanganisira South Africa, Zambia neMalawi dzakaita sarudzo munguva yeCovid-19.

Panyaya yehutongo hwejekere, sangano rakazvimirira roga reFreedom House rinoti kwemakore gumi nemashanu adarika, hutongo hwejekerere huri kuratidza kuti hwananga kumawere.

Gore rapera, zvikamu zvevanhu zvinosvika zvikamu makumi manomwe nemashanu kubva muzana zviri kugara munyika dziri kudzikira zvakanyanya munyaya dzehutongo hwejekere.

Zvichakadaro, mapepanhau emunyika dzakaita seRussia ne China ari kushora zvikuru musangano uyu achiti America haina chaingadzidzise dzimwe nyika nezvehutongo hwejekerere sezvo iyo isingape muenzaniso wakanaka.

Uyu ndiwo muonero weZimbabwe kuti America haingabvise huswa huri muziso wedzimwe nyika iyo iine chitanda muziso. VaBiden vakati vari kushanda zvakasimba kugadzirisa nyaya iyi vachitenda kuti America ine zvakawanda zvainofanirawo kuita.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG