Mukuru anoona nezvekurwisa chirwere cheCovid-19 munyika Dr Agnes Mahomva vari kukurudzira vanhu munyika kuti vabayiwe nhomba yekudzivirira Covid-19 kuti chirwere ichi chisapararire zvakanyanya munyika.
Dr Mahomva vaudzawo Studio 7 kuti ongororo dzose dziri kuitwa munyika nekunze dziri kuratidza kuti vakabayiwa nhomba vane mukana wakakura wekurarama kunyangwe vakabatwa nechirwere cheCovid-19. Bazi rezvehutano rakatozivisa kuti mhando yeCovid-19 inopararira zvakanyanya yeomicron yave kutotenderera munyika.
Nemusi weSvondo, bazi rezvehutano rinoti munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 nezuro zvasiya vabatwa nacho vave zviuru zvina nemazana manomwe nemumwe kana kuti 4, 701.
Vanhu mazana mashanu nemakumi maviri nevatatu kana kuti 523 vabatwa nechirwere ichi zvasiya vabatwa nacho kubva zvachatanga kupararira vave zana rezviuru nemakumi matatu nepfumbamwe zvine makumi mana nematanhatu kana kuti 139, 046.
Vanhu mamiriyoni matatu nezviuru mazana masere nemakumi manomwe nemana zvine mazana matanhatu nemakumi mapfumbamwe nevana kana kuti 3 874 694 vakabayiwa nhomba yeCovid-19 kekutanga. Vanhu vabayiwa kaviri sezviri kukurudzirwa vave mamiriyoni maviri nezviuru mazana masere nemakumi masere nemana zvine makumi mana nemashanu kana kuti 2 884 045.
Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba mukupefra kwemwedzi uno kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana.
Facebook Forum