Accessibility links

Breaking News

VaMwonzora na Muzvare Khupe Vave Makara Asionane Zvekare


VaDouglas Mwonzora naMuzvare Thokozani Khupe

Mubato reMDC-T rinotungamirwa naVaDouglas Mwonzora munonzi maita makakatanwa anotyisa uye kunetsana uku kunogona kuguma kwave kumatare edzimhosva.

Bato iri ratarisana neimwe Congress yekusarudza vatungamiri vatsva asi paita kusawirirana kuti sarudzo idzi dzoitwa sei zvakanaka sezvo VaMwonzora nemumwe mutevedzeri wavo Dr Thokozani Khupe vave makara asionane.

Makakatanwa aya akapa kuti vamwe mubato iri vakurudzire kuti Doctor Khupe vadzingwe kuva nhengo yedare reparamende uye kudzingwa mubato.

Asi Muzvare Khupe vanoti hakuna sarudzo dzakachena dzingaitwe kana vanovatsigira vachidzidzingwa mubato vachipomerwa mhosva yekuti vanotsigira MDC Alliance.

Magweta aMuzvare Khupe akatonyora tsamba kumunyori mukuru webato iri Amai Paurina Mpariwa achidazvisungo zvakabuda mumusangano weNational Counci zvekuda kudzinga Muzvare Khupe. Sachigaro webato reMDC-T VaMorgan Komichi avo vari kuramba kuti mubato mapindwa naPongwe.

Asi sezvo tichitema tisina divi ratinorerekera, tabata mutauriri waMuzvare Khupe VaNtando Ndlovu vatenda kuti pane vari kuda kudzinga Muzvare Khupe mubato vachitiwo Muzvare Khupe vanoda kuti sarudzo dzemubato dziitwe pachitevedzerwa bumbiro remutemo webato.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG