Mapurisa ave kunakurira nyoka mhenyu gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu VaFelix Mhona kuti ndivo vakapa kuti motokari dzevanhu dzitorwe kana vasina manumber plates zvinonzi hazvisi pamutemo.
Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti havana nezviri kutaurwa nebato idzva reCitizens Coalition for Change kana kuti Tripple C zvekuti riri kurambidzwa kuita misangano nemapurisa.
Vatungamiri venyika dzemuAfrica vakawanda vanoti vari kushushikana zvikuru nekusagadzikana kwezvinhu munyika dzakawanda zvikuru kune hurumende dzakapidigurwa nemauto.
Bazi rezvehutano rinoti vanhu vaviri vakafa nechirwere cheCovid-19 nemusi weMugovera zvasiya vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave vave zviuru zvishanu nemazana matatu nemakumi matanhatu nevaviri kana kuti 5, 362.
Makwikwi eAfrica Nations Cup 2021 ari kutarisirwa nhasi kusvika kwamvura yacheka makumbo nemutambo pakati peEgypt neSenegal.
Mapurisa emuBulawayo anonzi ari kuenderera mberi achida kuziva kuti mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa vachange vachifamba sei vakaenda kuguta iri sezviri kutarisirwa.
Bazi rezvehutano rinoti vanhu gumi nevaviri vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro zvasiya vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zviuru zvishanu nemazana matatu nemakumi mashanu kana kuti 5,350.
Bazi rezvehutano rinoti munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 nemusi weMuvhuro zvasiya vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zviuru zvishanu nemazana matatu nemakumi matatu nemasere kana kuti 5 338.
Zimbabwe yatarisana nerimwe dutumupengo remhepo nemafashamu emvura rinonzi Cyclone Batsirai iro rakatotanga kuvhiringidza nyika yeMadagascar.
Mutungamiri webato idzva rinopikisa reCitizens Coalition for Change kana kuti CCC VaNelson Chamisa vanoti bato ravo riri mubisi kunyora magwaro matsva anonyatsojeka muono wavo uye gwara ravachatora vakakunda musarudzo dzinotevera dza2023.
Bazi rezvehutano rinoti nezuro hakuna munhu akafa nechirwere cheCovid-19 kanova kekutanga gore rino kushaya munhu afa nechirwere ichi.
Mutungamiri webato reMDC-T Muzvare Thokozani Khupe nemusi weMugovera vakaendesa mutungamiri weMDC Alliance VaDouglas Mwonzora, gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube, gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi kudare repamusoro panyaya yemari inopihwa mapato ezvematongerwo.
Reserve Bank of Zimbabwe iri kuita misangano yechimbi chimbi nevemabhizimisi kuyedza kudzikamisa hupfumi hwenyika hwananga zvakare kumawere.zvichitevera kushaya simba kworamba kuchiita dhora remunyika.
Bazi rezvehutano rinoti vanhu vana vakafa nechirwere cheCovid-19 nemusi weMugovera zvasiya vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zviuru zvishanu nemazana makumi mapfumbamwe nevaviri kana kuti 5 292.
Bazi rezvehutano rinoti vanhu gumi vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro zvasiya vafa nacho kubva zvachatanga kupararira vave zviuru zvishanu nemazana maviri nemakumi manomwe nevatanhatu kana kuti 5276.
Kunyange hazvo huwandu hwevari kufa nekubatwa nechirwere cheCovid-19 hwave kudzikira, vanhu vashoma vavewo kuenda kuno bayiwa nhomba zvotyirwa kuti zvinogona kupa kuti chirwere chirambe chichitenderera kwenguva yakareba.
Sachigaro wesangano reZimbabwe Electoral Commission Amai Priscilla Chigumba vaudza Studio 7 kuti panyaya yemazita emapato nemicherechedzo yaanoshandisa, anenge atanga ndiye anopihwa mvumo yekuzvishandisa.
Kunyangwe hazvo dare repamusoro soro reSupreme Court rakati mutevedzeri wemutungamiri webato reMDC Alliance VaTendai Biti nevamwe vavo vashanu vadzokere kudare reparamende. zvinhu hazvisati zvanyatsojeka.
Bazi rezvehutano rinoti nemusi weMugovera vanhu vashanu vakafa nechirwere cheCovid-19 zvasiya vafa nacho vavezviuru zvishanu nemazana maviri nemakumi mana nematatu kana kuti 5243.
Gurukota rezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima vanoti hurumende yakagadzirira kuita musangano nevashandi vayo kuti izeye nyaya yemari yemihoro yavo.
Rodhai zvimwe