Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotatrika Kubaya Vanhu Nhomba yeCovid-19 Zviuru Zana Nhomba paZuva Kuti Isvike Panotarisirwa


Kunyange hazvo huwandu hwevari kufa nekubatwa nechirwere cheCovid-19 hwave kudzikira, vanhu vashoma vavewo kuenda kuno bayiwa nhomba zvotyirwa kuti zvinogona kupa kuti chirwere chirambe chichitenderera kwenguva yakareba.

Bazi rezvehutano rinoti vanhu vana vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro zvasiya vafa kubva chirwere ichi zvachatanga kupararira vave zviuru zvishanu nemazana maviri nemakumi mana nevanomwe kana kuti 5 247.

Vanhu zana nemakumi mana nevana vakabatwa nechirwere ichi nezuro zvasiya vabatwa nacho vave zviuru mazana maviri nemakumi maviri nezvitanhatu zvine makumi manomwe nemasere kana kuti 226 078.

Hurumende yainge yamboti inoda kubaya nhomba vanhu zana rezviuru pazuva kana kuti 100 000 nhomba kuti ikwanise kubaya vanhu mamiriyoni gumi mukupera kwegore rapera asi zvakakona.

Nezuro vanhu zviuru zvitanhatu nemazana mana nemakumi mapfumbamwe nemapfumbamwe ndivo vakabayiwa nhomba vamwe vachibayiwa yekutanga, vamwe yechipiri uye vamwe yechitatu.

Vanhu vabayiwa nhomba yekutanga vave mamiriyoni mana nezviuru mazana maviri nezvitanhatu zvine makumi mapfumbamwe nevana kana kuti 4 206 094.

Vanhu vabayiwa nhomba kaviri vave mamiriyoni matatu nezviuru mazana maviri nemakumi matatu nezviviri zvine zana nemakumi maviri nemaviri kana kuti 3 232 122.

Vabayiwa nhomba katatu vave zviuru makumi maviri nezvitanhatu zvine mazana matanhatu nemakumi matatu nemumwe kana kuti 26 631.

Huwandu uhu honotarisirwa kukwira apo hurumende ichazivisa zvauyawana muongororo dzaitwa nhasi.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi, kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana senzira yekudzvirira kupararira kwechirwere ichi.

Mukuru anoona nezvekurwisa denda reCovid-19 munyika, Doctor Agnes Mahomva, vari kukurudzira vanhu kuti vaende kunobayiwa nhomba yeCovid-19.

Doctor Mahomva vanoti hurumende iri kushambadzira zvakakwana chirongwa chekukurudzira vanhu kuti vabayiwe nhomba idzi.

Asi vachipawo pfungwa dzavo, vaimbova gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, Dr Henry Madzorera veMDC Alliance, vaudza Studio 7 kuti pane zvakawanda zviri kuda kuitwa kuitira kuti vanhu vasazengurire kubayiwa nhomba.

Vati zvakakosha kuti hurumende iburitse ongororo dzinoratidza kushanda kuri kuita nhomba idzi sezvo vanhu vakawanda vabayiwa zvinopa kuti kuita tsvakiridzo yacho kuve nyore.

Hurukuro naDr Henry Madzorera
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG