Amai Tapiwa Dzvova avo vakapona nepasaka reshumba patsaona yebhazi rekwaBeta nerori yainge yakatakura mafuta ekufambisa dzimotokari vanoti Mwari wavo akavarwira pamwe nemhuri. Tsaona iyi yakaitika musi wa 24 Zvita, pedyo neguta reMutare.
Bazi rezvehutano rinoti vanhu gumi nevaviri vakafa nezuro nechirwere cheCovid-19 zvasiya vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira muna 2019 vave zviuru zvishanu nezana nemakumi mana nevasere kana kuti 5,148.
America yasvitsa neChina gore rimwe chete kubva zvakaitika mhirizhonga inotyisa padare reCongress muWashington DC vatsigiri vevaive mutungamiri wenyika, VaDonald Trump, vachiramba kutambira zvainge zvabuda musarudzo yemutungamiri wenyika.
France inoti yakawana imwe mhando itsva yeCovid-19 inonzi IHU iyo ichiri kuongororwa hayo kuti inokonzera hurwere hwakaita sei navanamazvikokota munya dzezvirwere.
Gurukota rinoona nezvevashandi, Muzvinafundo Paul Mavima ,vatenda kuti mari dziri kuwedzerwa vari pamudyandigere neNational Security Authority kana kut NSSA kutanga mwedzi uno hadzikwani nekuda kwekushaya simba kwedhora asi vachiti havo atsunya arwa.
Zimbabwe iyo yave nenhomba dzinodarika mamiriyoni gumi nematanhatu kana kuti 16 million ichiri kutatarika kubaya vanhu nhomba sezviri kuitikawo munyika dzakawanda dzemuAfrica.
Vemuzinda weZimbabwe nemasangano anorwira kodzero dzevanhu muSouth Africa vari kuenderera mberi vachiita hurukuro nehurumende yenyika iyi kuyedza kuti iwedzere nguva yekuti zvizvarwa zvenyika zviri munyika iyi zvirambe zvichishanda pasi pemagwaro eZimbabwe Exemption Permit kana kuti ZEP.
Mutungamiri webato rinopikisa reNational Constitutional Assembly Muzvinafundo Lovemore Madhuku vanova gweta vanoti vane hurongwa hwekuendesa mapepa kudare repamusoro neMuvhuro kuti nhengo yevechidiki yebato reMDC Alliance VaMakomborero Haruzvivishe vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso.
Mamwe mapato anopikisa ari kupomera hurumende mhosva yekushandisa mitemo yeCovid-19 kutyora kodzero dzavo nekuvasunga vakaunga.
Bazi rezvehutano rinoti mukutanga kwegore ra2022, vanhu gumi nevatatu vakafa nechirwere cheCovid-19 zvasiya vafa nechirwere icho kubva zvachatanga kupararira muna 2019 vave zviuru zvishanu negumi nevanomwe kana kuti 5 017.
Vaimbova sachigaro wechikwata cheHighlanders uye vakamboshandawo vachitungamira ZIFA VaNdumiso Gumede vaizivikanwa nekuti Gumz vashaya nhasi.
Sarudzo dzebato reZanu-PF dzematunhu dzakaenderera mberi nezuro kunyangwe kune dzimwe nzvimbo vatsigiri vebato iri vaikandirana makobvu nematete kumatunhu akaita seMasvingo vachiti pane kubiridzirwa kuri kuitika.
Bazi rezvehutano rinoti nezuro vanhu makumi matatu nevaviri vakafa nechirwere cheCovid-19 zvasiya vafa nechirwere ichi vave zviuru zvina nemazana mapfumbamwe nemakumi mana kana kuti 4, 940.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanoti chido chavo ndechekuti zvicherwa zviunze mari inosvika mabhiriyoni gumi nemaviri panosvika gore ra2023.
Bazi rezvehutano rinoti vanhu vatanhatu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro zvsiya vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zviuru zvina nemazana masere negumi nevapfumbamwe.
Archbishop Desmond Tutu vaizivikanwa pasi rose nekurwisa hutongi hwerusarura ganda kana kuti apartheied vashaya muSouth Africa nhasi. Vange vave nemakore makumi mapfumbamwe ekuberekwa.
Bazi rezvehutano rinoti vanhu gumi nevana vakafa nechirwere cheCovid-19 nemusi weMugovera pazuva reKisimusi zvasiya vafa nechirwere ichi kusvika parizviono vave zviuru zvina nemazana masere nemakumi masere nevashanu kana kuti 4 885.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakazivisa nemusi weSvondo kuburukidza nemashoko kuvatori venhau nepadandemutande ravo reTwitter kuti hurumende ichatenda nechipo VaSirizani Butau.
Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vari kupesana maonero pamashoko emutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, ekuti madzishe haafanire kushora mutungamiri wenyika vachiyambira madzishe aya kuti vanogona kutorerwa humambo.
Rodhai zvimwe