Vemuzinda weZimbabwe nemasangano anorwira kodzero dzevanhu muSouth Africa vari kuenderera mberi vachiita hurukuro nehurumende yenyika iyi kuyedza kuti iwedzere nguva yekuti zvizvarwa zvenyika zviri munyika iyi zvirambe zvichishanda pasi pemagwaro eZimbabwe Exemption Permit kana kuti ZEP.
Mukuru wezvemutemo musangano reImmigration Advisory for Southern Africa Advocate Gabriel Shumba vaudza Studio 7 kuti sangano ravo nevemuzinda weZimbabwe munyika iyi vari kuita nhaurirano muchinyararire kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvisanyanyoomeserwe.
Vati nhaurirano idzi dziri kubudirira sezvo vakakwanisa kuti vamwe vemabhanga vasavhare mabhuku ezvizvarwa zveZimbabwe uye kuti vanhu vakwanise kugadzirisa mamwe magwaro varimuSouth Africa. Dare remakurukota muSouth Africa rakazivisa kuti harisi kuzowedzera nguva yekuti magwaro aya ashande richiti zvizvarwa zveZimbabwe zvakasungunuka kunyorera mamwe magwaro.
Asi VaShumba vanoti zvizvarwa zveZimbabwe zvine magwaro eZEP zvakawanda hazvikwanise kuzadzikisa zvinodiwa kuti zviwane mamwe magwaro ekugara zviri pamutemo muSouth Africa.
Facebook Forum