Gurukota rinoona nezvevashandi, Muzvinafundo Paul Mavima, vatenda kuti mari dziri kuwedzerwa vari pamudyandigere neNational Security Authority kana kut NSSA kutanga mwedzi uno hadzikwani nekuda kwekushaya simba kwedhora asi vachiti havo atsunya arwa.
VaMavima vaudza Studio 7 kuti hurumende ichaita zvose zvainogona kuona kuti mari iyi hairambe ichishaya simba.
Vatiwo vari kutambira mari yepasi vanenge vachiwana mari inosvika madhora makumi matanhatu ekuAmerica asi pachishandiswa chikero chemari chiri pamutemo kwete zviri kuitika pamukoto vakati mari iyi inosvika pamadhora mazana matatu kune vakabatirwa mari dzakati wandei vachiri kushanya.
Mari idzi dziri kutangira pamadhora makumi matanhatu ekuAmerica asi pachishandiswa chikero chiri pamutemo kwete mari dzepamukoto. Vari pamudyandigere vane makore akawanda vachichema chema kuti mari kutambiriswa haisi kuvakwanira zvopa kuti vanonge svosve nemuromo.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vatendawo kuti mari iyi ishoma zvichinyanya kukonzerwa nekuti dhora remunyika riri kutengeswa nemari inodarika mazana maviri emadhora padhora rekuAmerica kana kuti 1”200. Vatiwo vemabhizimisi vakawanda vanotengesa zvinhu vachishandisa chikero chemaei yepamukoto.
Munyori mukuru wesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo, vatiwo vari pamudyandigere vachiri vakaomerwa nehupenyu sezvo mari iyi isingakwane kuti vatenge kana mishonga chaiyo kana vave kurwara.
Munyori mukuru werimwe sangano revari pamudyandigere reAssociation of National Social Security Retirees Trust, VaGideon Shoko, vatiwo panotanga kubatwa zvimwe zvirehwa rehwa nevemabhanga mari iyi ishoma. Vatiwo haisvike pane inotarisirwa kuti mhuri irarame pamwedzi kana kuti Poverty Datum Line
Vashandi vemumakambani nemuhurumende vanobatirwa mari pamwedzi neNSSA kuti vazopihwe kava vave pamudyandigere kana kuremara vari pabasa.
Asi kwemakore vashandi vagara vachichema kuti huori hunotyisa hunoitika muNSSA hunopa kuti itadze kuvapa mari dzekuti vakwanise kurarama.
Facebook Forum