Amai Tapiwa Dzvova avo vakapona nepasaka reshumba patsaona yebhazi rekwaBeta nerori yainge yakatakura mafuta ekufambisa dzimotokari vanoti Mwari wavo akavarwira pamwe nemhuri. Tsaona iyi yakaitika musi wa 24 Zvita, pedyo neguta reMutare.
Amai Dzvova mudzimai waPastor Moses dzvova vekereke yeThe Revealed World Fellowship vanoti vainge vari mubhazi iri pamwe chete nevana vavo vatatu uye munin’ina wavo vachienda kuzororo rekisimusi. V
anoti vakakandwa panze pebhazi pamwe nemwana wavo parakabonderana nerori asi vakapona. Vanotiwo ivo nevana vavo vaviri uye munin’ina wavo vakakuvara uye vachiri kurapwa.
Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vanoti vanhu vashanu vakafa vachiita zvekutsva nemoto uye vamwe vanhu makumi matanhatu vakakuvara.
Facebook Forum