Mutungamiri webato rinopikisa reNational Constitutional Assembly Muzvinafundo Lovemore Madhuku vanoti bato ravo harisi kuzopinda musarudzo dzemaby-elections dziri kuitwa musi wa 26 Kurume.
VaMadhuku vaudza Studio 7 kuti bato ravo harina mari nekudaro zvakakosha kuti vamboumba bato nekutsvaga vamwe vatsigiri vozokwikwidza musarudzo dzemuna 2023.
Sarudzo idzi dziri kutsiva nhengo dzeMDC Alliance kunyanya dzakadzingwa mubato neMDC-T inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora uye dzange dzave nenguva dzisina kuitwa hurumende ichiti zvaikonzerwa nechirwere cheCovid-19.
Asi vanopikisa vanoti hurumende yaingohwanda nemumwe ityityora bumbiro remitemo.
Sarudzo dziri kutarisirwa kuitwa munzvimbo zana nemakumi matatu nematatu dziri dzemakanzura nenhengo dzedare reparamende.
Facebook Forum