Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Votenda Hushingi Hwakaratidzwa naVaSirizani Butau paTsaona yekwaMutare


Zimbabwe Independence Celebrations

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakazivisa nemusi weSvondo kuburukidza nemashoko kuvatori venhau nepadandemutande ravo reTwitter kuti hurumende ichatenda nechipo VaSirizani Butau.

VaButau vakatsva vachinunura vanhu vainge vatarisana nerufu apo bhazi rekwaBeta rakabonderana nerori yainge yakatakura mafuta ekufambisa dzimotokari pedyo neguta reMutare nemusi weMugovera. Vanhu vashanu vakafa uye vamwe makumi maviri vari muchipatara.

Bato guru rinopikisa reMDC Alliance rakatumirawo mumwe mutevedzeri waro Amai Lynette Karenyi Kore kuenda panzvimbo yakaitikira njodzi rikati riri kuchema nevakawirwa netsaona iyi.

Amai Karenyi Kore vakakurudzira hurumende kuti ikurumidze kuvheneka mitumba yevakafa kuti vavigwe sezvo vamwe vacho vakatsva zvekusazivikanwa.

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vanoti bhazi rakapinda mutsaona apo mutyairi waro akayedza kunzvenga mumwe munhu ainge achifamba mumugwagwa akadhakwa ndokubva rabinderanba nerori.

Vanokokera mabasa musangano rePassengers Association of Zimbabwe VaTafadzwa Goliati vaudzawo Studio 7 kuti vari kusushukana nenjodzi dzemumigwagwa idzo dzopa kuti vakwanda varasikirwe nehupenyu.

Hurukuro naRdeverend Kenneth Mtata
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG