Bazi rezvehutano rinoti vanhu vatanhatu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro zvasiya vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zviuru zvina nemazana masere nemakumi mapfumbamwe nemumwe kana kuti 4 891.
Vanhu mazana matanhatu nevashanu vakabatwawo nechirwere ichi zvasiya vabatwa nacho kubva zvachatanga kupararira gore rapera vave mazana maviri nezviuru zvina zvine mazana matatu nemakumi mashanu nemumwe kana kuti 205 351.
Vanhu vabayiwa nhomba yekutanga yeCovid-19 vave mamiriyoni mana nezviuru zana nezvitatu zvine gumi nevaviri kana kuti 4 103 012.
Vabayiwa nhomba yechipiri sezviri kukurudzirwa vave mamiriyoni matatu nezana rezviuru negumi nemumwe zvine mazana matati nemakumi mashanu nemapfumbamwe kana kuti 3 111 359.
Hurumende yange iine chinangwa chekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba panopera mwedzi uno izvi zvinonzi nenyanzvi hazvichakwanisike nemazuva mashoma asara.
Facebook Forum