Accessibility links

Breaking News

Vanhu Gumi neVana Vofa neCovid-19 paZuva reKisimusi


Bazi rezvehutano rinoti vanhu gumi nevana vakafa nechirwere cheCovid-19 nemusi weMugovera pazuva reKisimusi zvasiya vafa nechirwere ichi kusvika parizviono vave zviuru zvina nemazana masere nemakumi masere nevashanu kana kuti 4 885.

Vanhu chiuru chimwe chete nezviuru gumi kana kuti 1 010 vakabatwa nechirwere ichi nezuro zvasiya vabatwa nacho kubva zvachatanga kupararira gore rapera vave mazana maviri ezviuru nematatu ane mazana manomwe nemakumi mana nematanhatu kana kuti 203 746.

Bazi rezvehutano rinotiwo vanhu vabayiwa nhomba yekutanga yekudzivirira Covid-19 munyika vave mamiriyoni mana nezviuru makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe zvine mazana manomwe nemakumi mapfumbamwe nematatu kana kuti 4 099 783.

Vanhu vabayiwa nhomba kaviri sezviri kukurudzirwa parizvino vave mamiriyoni matatu nezviuru zana nemasere zvine mazana mapfumbamwe nemakumi masere nemanomwe kana kuti 3 108 987. Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba senzira yekudzivkirira kupararirwa kwechirwere cheCovid-19.

Nyazvi munyaya dzezvehutano dziri kuyambirawo vanhu kuti vangwarire kutapurirwa chirwere cheCovid-19 munguva ino yezororo.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano uye vakambotungamira chipatara cheChitungwiza Dr Enoch Mayida vaudza Studio 7 kuti vanhu vanofanira kungwarira kutapurirwa chirwere ichi zvikuru pazororo rino rekisimusi negoredzva sezvo vanhu vakawanda vanenge vachifamba famba.

Hurukuro naDoctor Enoch Mayida
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG