Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yokundikana Kuzadzikisa Zvayakazvitarira neZvaitarisirwa neWHO paNyaya yeNhomba yeCovid-19


Mutevedzeri wemutungamiri wenyika vari gurukota rezvehutano VaConstantino Chiwenga
Mutevedzeri wemutungamiri wenyika vari gurukota rezvehutano VaConstantino Chiwenga

Zimbabwe iyo yave nenhomba dzinodarika mamiriyoni gumi nematanhatu kana kuti 16 million ichiri kutatarika kubaya vanhu nhomba sezviri kuitikawo munyika dzakawanda dzemuAfrica.

Vanhu zvikamu makumi maviri kubva muzana ndivo vabayiwa nhomba mbiri munyika kusvika parizvino kunyangwe chinangwa chehurumende chaive chekuti vanhu mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana vange vabayiwa nhomba yeCovid-19 mukupera kwegore rapera. Asi kunyangwe Zimbabwe isati yasvitsa huwandu uhu, yatangawo kubaya vamwe nhomba kechitatu.

Nhomba yeCovid-19 yakatanga kubayiwa muZimbabwe musi wa 17 Mbudzi gore rapera. Nhomba dziri kubayiwa munyika dzinoti Sputnik V yekuRusssia pamwe nedzekuChina dzinoti Sinopharm neSinovac, Covaxin yekuIndia uye Janssen yeJohnson and Johnson dziri kushandiswa muZimbabwe.

Kunyangwe hazvo vanhu vakawanda vachiri kuzengurira kubayiwa nhomba, mukuru anoona nezvekudzivirira chirwere cheCovid-19 munyika Dr Agnes Mahomva vanoti, nhomba inobatsira nekuti.

Zimbabwe haina kungokundikana pane zvayainge yazvitarira chete pakubaya nhomba yeCovud-19 asi pane zvimwe zvainge zvatarwa nesangano reWorld Health Organization kana kuti WHO. WHO yainge yatiwo yainge iine chivimbo chekuti panopera gore ra2021, nyika dzemuAfrica dzinenge dzabaya vanhu vadzo zvikamu makumi mana kubva muzana nhomba.

A si nyika shoma shoma dzisingadarike gumi kusanganisira, Seychelles, Mauritius, Morrocco, Rwanda neBotswana chete kuchamhembe kweAfrica ndidzo dzakwanisa kuita izvi.

MuAfrica yose, vanhu zvikamu zviviri nechidimbu kubva muzana kana kuti 2, 5% ndivo vabayiwa nhomba zvichienzaniswa nezvikamu makumi matanhatu kubva muzana kana kuti 60% kubva kunyika dzakabudirira.

Kunyangwe hazvo nyanzvi munyika nekunze dziri kuti zvave pachena kuti vanenge vabayiwa nhomba kaviri kana katatu vane mukana wakakura wekuti vakabatwa nechirwere cheCovid-19 vasafe, vanhu vashoma zvikuru vemuAfrica havana kubayiwa nezvikonzero zvakasiyana siyana.

Vamwe vachiri kutya kutivanogona kutadza kuita mbereko vamwe vachiti chitendero hachivabvumidze zvose izvi zviri kutenderedzwa pamadandemutande akasiyana siyana pasi rose.

Vamwe vanhu vari kushaya chivimbo nenhomba vachiti vamwe vakabayiwa nhomba dzose mbiri kana nhatu vari kungorwara. Asi nyanzvi munyaya dzezvezvirwere zvekutapuriranwa, Muzvinafundo Davison Sangweme vatiwo kushanduka kwechirwere kana kuti virus ndiko kunopa kuti chiiuye nedzimwe mhando chobata vakabayiwa nhomba ava.

Ko huurumende yeZimbabwe ingaite sei kuti vanhu vakawanda vabayiwe nhomba? Tabvunza mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu munyaya dzezvehutano reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike vanoti hurumende inofanira kunyengetedza vanhu kuti vabayiwe nhomba.

Nhomba muAfrica dziri kuuyawo kuburikidza nesangano reAfrican Union pasi pechirongwa chinonzi Vaccine Acquisition Trust kana kuti AVAT nechimwe cheWorld Health Organization chinonzi COVAX.

Asi munyika dzakaita seNigeria, Malawi neSouth Sudan, dzimwe nhomba dzakapiswa sezvo mazuva akatarwa kuti dzinge dzashandiswa ainge adarika dzichiri mumatura. African Union iri kuchema chema kuti dzimwe nhomba dziri kuita zvekuraswa kuAfrica.

Sangano iri rinotiwo chimwe chiri kupa kuti zvinetse kubaya vanhu nhomba inyaya yekuti dzimwe nyika dzemuAfrica hadzina zvimwe zvinodiwa mukushandiswa mukubaya nhomba zvakaita semafacemask, donje nemotokari dzekutakurisa nhomba kuendesa kune mamwe matunhu kanawo mafiriji ekuchengetera dzimwe nhomba.

Sangano reTony Blair Institute for Global Change rinoti nhomba dzinosvika zvikamu makumi mana kubva muzana dziri muAfrica hadzina kushandiswa nezvikonzero zvakasiyana siyana.

Mukuru weAfrica Centres for Disease Control VaJohn Nkengasonga vanoti dzimwe nyika hadzisiwo kana kutouya kuzotora mishonga kumatura avo. Asiwo vakawanda vanoti nyika dzakabudirira ndidzo dzakonzera dambudziko kunyanya nekusada kubatsira dzevarombo nenhomba.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG