Accessibility links

Breaking News

Archbishop Desmond Tutu Vochemwa seGamba Pasi Rose


FILE - Nobel Peace Laureate Archbishop Desmond Tutu gestures during a press conference about the first 20 years of freedom in South Africa at St Georges Cathedral in Cape Town, Apr. 23,2014.

Archbishop Desmond Tutu vaizivikanwa pasi rose nekurwisa hutongi hwerusaruraganda kana kuti apartheied vashaya muSouth Africa nhasi. Vange vave nemakore makumi mapfumbamwe ekuberekwa.

Nhepfenuro yeSABC inoti mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCryril Ramaphosa vatumira mashoko enyaradzo kumhuri yaVaTutu vachiti nyika yarasikirwa nerimwe gamba guru munyaya dzekurwira rusungunuko. Vati Achbishop Tutu vakaratidza pachena kuburikidza nehupenhu hwavo kuti kutenda kusina zviito hakuna zvakunobatsira.

VaNelson Mandela na Archbishop Desmond Tutu
VaNelson Mandela na Archbishop Desmond Tutu

Vanochengetedza nhoroondo yemutungamiri mutsva weSouth Africa mushakabvu Nelson Mandela, veMandela Foundation vatiwo nyikayeSouth Africa nepasi rose yarasikirwa nemunhu ainge akazvipira mukurwira kodzero dzevanhu. VaTutu vaive mutendi muMethodist Church vakaberekwana kuKlerksdorp kumawirira kweJohannesburg muna 1931.

Archbishop Desmond Tutu naVaBafrack Obama
Archbishop Desmond Tutu naVaBafrack Obama

Vamwe vatumira mashoko enyaradzo vanosanganira vaive mutungamiri wenyika yeAmerica VaBarack Obama uye mambokadzi Elizabeth vekuBritain.

VaTutu vakamboshanda semudzidzisi muJohnanesburg. Archbishop Tutu vakazosiya basa reurairidzi vachiti havaida kupa vana dzidzo yerusaruranganda vachibva vaenda kunodzidzira zvekuita mufundisi kuking’s College kuBritain muna 1962.

VaTutu naVaDalai Lama
VaTutu naVaDalai Lama

Vakazodzoka muSouth Africa muna 1966 vachidzidzisa zvechitendero kuEastern Cape uye apa ndipo pavakatanga kubuda pachena vachishora hutongo hwerusarura ganda.

Muna 1975 vakava mutema wekutanga kuve mumwe wevatungamiri ve kereke muJohannesburg kana kuti Anglican Dean. Muna 1980, semunyori mukuru wesangano reSouth African Council of Churches vakatungamira chikwata chevakaenda kunotaura nemutungamiri wehurumende yeSouth Africa panguva iyi VaPW Botha kuti varegedze kuramba vachitungamira hurumende ine rusaruraganda.

VaTutu vaka[inhwa mubayiro werunyararo kana kuti Nobel Peace prize muna 1984. Archbishop Tutu vakatsigira kuti South Africa itemerwe zvirango nekuda kwehutongo hwerusarura uhu.

Muna 1994 vakadomwa nevaive mutungamiri wenyika VaNelson Mandela kuti vave sachigaro wekomiti yekuregererana mushure mekupera kwehurumende yerusaruranganda kana kuti Truth and Reconciliaon Commission.

VaTutu vakabva vamira zvekuva mufundisi vachiita basa rekomisheni iyi asi vakaenderea mberi nenyaya dzekurwira kodzero dzevanhu. Vakabatwa nechirwere chegomarara muna 1997.

Munyori mukuru weZimbabwe Council of Churches Reverend Doctor Kenneth Mtata vaudza Studio 7 kuti VaTutu vaineg vakazvipira kurwira kodzero dzevanhu muSouth Africa nepasi rose.

Hurukuro naVaReverend Kenneth Mtata
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG