Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzinoti Huori neMitemo Isina Kujeka Zvodzosera Nyika Kumashure paNyaya yeZvicherwa


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, nemutungamkiri wenyika yeChina VaXi Jinping

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanoti chido chavo ndechekuti zvicherwa zviunze mari inosvika mabhiriyoni gumi nemaviri panosvika gore ra2023.

VaMnangagwa vakataura mashoko aya svondo rapera pakunyoreranwa kwechibvumirano chekuchera lithium pakati pekambani yekuChina ye Zhejing Hayou Cobalt neyekuAustralia inonzi Prospect Resources Limited.

Kambani yekuChina yakabhadhara mari inosvika mamiriyoni mazana mana nemakumi maviri nemaviri kana kuti US422 million.

Mugodhi weLithium uyu unonzi Arcadia Mine. Ko Zimbabwe yakakomborerwa nezvicherwa zvakaita segoridhe, Lithium, koromo, mangoda, platinum nezvimwe ingakwanise kuona chouviri sei pazviri uye nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinooona sei chibvumirano chitsva ichi?

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Gift Mugano vanoti chibvumirano ichi chakakosha asi vanoda kuita zvechioko muhomwe ndivo vanopa kuti vanhu vasade kupinda munyika kuzotanga mabhizimisi.

Mashoko aya atsinhirwa nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi Doctor Prosper Chitambara vanoshanda nesangano eeLabour and Economic Development Research Institute avo vatiwo zvinorwadza kuti nyika haina zvakawanda zvairi kuwana mukutengesa zvivanikwa vakati panoda kuumbwa masangano ekuti pasaitwe huori. Vatiwo makambani akawanda anochera zvicherwa ari kunzi ambomira kubhadhara mitero zvopa kuti nyika inyanye kurasikirwa nemari.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reAnti Corruption Trust of Southern Afica VaAlois Chaumba vanoti zvakakosha kuti pazvibvumirano zvakadai, hurumende inyatsobude pachena kuti zvinofamba sei pazvibvumirano zvakadai kumisa nyaya dzehuori.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi VaVictor Bhoroma vanoti Zimbabwe inofanira kukurudzira vekunze kuti vakwenenzvere zvicherwa zvavo munyika kuti nyika iwane mari yakawanda nekuvamba mabasa.

Zimbabwe iri kuyedza kuita chibvumirano chakadai nekamabani yeZimplats kuti ikwenenzvere chiwanikwa ichi munyika kuti nyika iwane chouviri.

Asi izvi zvave nemakore akawanda zvichiyedza kuitwa kubva mushakabvu Robert Mugabe vachiri mutungamiri wenyika.

Sezvo Zimbabwe iri makara asionane nedzimwe nyika dzakabudirira dzakatemera vatungamiri venyika zvirango, makambani ekuChina akawanda ndivo ave kuchera zviwanikwa munyika zvinosanganisira mangoda kwaMarange nezvimwe.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG