Accessibility links

Breaking News

VaBiden Voshora VaTrump neKukonzera Kusagadzikana muAmerica neKuramba Kutambira Zvakabuda Musarudzo yeMutungamiri weAmerica


VaJoe Biden
VaJoe Biden

America yasvitsa neChina gore rimwe chete kubva zvakaitika mhirizhonga inotyisa padare reCongress muWashington DC vatsigiri vevaive mutungamiri wenyika, VaDonald Trump, vachiramba kutambira zvainge zvabuda musarudzo yemutungamiri wenyika zvichitevera kukunda kwakaita VaJoe Biden vebato remaDemocrats.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti chiitiko ichi chakasiyana America isisina chiremera pasi rose panyaya dzekugamuchidzana masimba murunyararo uye hutongo hwejekerere.

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden nemutevedzeri wavo, Amai Kamala Harris, vange vari mudare reparamende reUS Capitol muWashington DC vachishora zvikuru zvakaitika musi wa 6 Ndira Izvi. VaBiden vati zvakaitika zvakadzosera kumashure hutongo hwejechetere.

Amai Harris vatiwo zvakaitika musi uyu zvinoratidza kuti hutongo hwejekerere hunofanira kubatwa sezai sezvo huchigona kupwa sedova.

VaTrump vainge vambovimbisa kupawo divi ravo kumba kwavo kuMar-a-Lago, Florida, asi havana kuzoita izvi asi vachiri kungoramba havo kutambira zvakabuda musarudzo.

Dunhu rakanetsawo rairamba kutambirwa naVaTrump zvakabuda musarudzo dzaro ndere Pennsylvania uko kwakaberekerwa VaBiden.

Chizvarwa cheZimbabwe chinogara mudunhu iri, VaNicholas Mada, avo vanoona nezvekurongwa kwemisangano mubato reMDC Alliance muno muAmerica, vati vari kufara kuti zvaida kuitwa naVaTrump zvekuti sarudzo dzemudunhu iri dzisatambirwe, zvakakona n’anga murapwa achida.

Vachipawo pfungwa dzavo, mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu-PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti zvakaitika muAmerica zvinonyadzisa uye nyika iyi haifanire kuda kuzviita muzivi wezvose panyaya yehutongi hwejekerere.

Asi vachipawo pfungwa dzavo, gweta rinorwira kodzero dzevanhu vari mukuru wesangano reZImrights, VaDzikamai Bere, vanoti zvakaitika muAmerica zvakaratidzawo chimwe chinhu chikuru chekuti mutungamiri wenyika haasi pamusoro pemutemo.

Vanhu vatanhatu kusanganisira mumwe mupurisa vakafa nezvikonzero zvakasiyana siyana mumhirizhonga iyi.

Vamwe vanhu vanosvika mazana manomwe vakaendeswa kumatare mushure mekunge vabatwa nematikitivha eFBI ayo ari kuferefeta nyaya iyi.

Muchuchusi mukuru wehurumende yeAmerica, VaMerrick Garland, vanoti vari kuzoita zvose zvavanokwanisa kuti vose vane chekuita nemhirizhonga iyi vamiswa pamberi pematare edzimhosva.

Dare reHouse of Representatives rakaumbawo komiti ine nhengo kubva kumapato ose ari mudare iri kuti iferefetewo zvakaitika kusanganisira zvakaitwa naVaTrump pamwe nezvavasina kuita zvavaitarisirwa kuita semutungamiri wenyika panguva iyi.

Vane ruzivo nezvenhoroondo yeAmerica vanoti mhirizhonga yakaitwa nevatsigiri vaVaTrump yakapedzisira kuonekwa makore mazana maviri nemasere adarika apo musi wa 24 Chikumi 1814 munguva yehondo pakati peBritain neAmerica, mauto eBritain akapinda muWashington DC ndokupisa dare reUS Capitol uye muzinda wemutungamiri wenyika nezvimwe zvivakwa.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG