Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzokakavadzana paNyaya yaIshe Murinye Vakatsiura Vatungamiri veNyika


Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga
Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vari kupesana maonero pamashoko emutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, ekuti madzishe haafanire kushora mutungamiri wenyika vachiyambira madzishe aya kuti vanogona kutorerwa humambo.

Izvi zvinotevera mashoko aIshe Murinye vekuMasvingo ekushora huori muhurumende vachiti hunogona kupa kuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vatadze kukunda musarudzo dza2023 kana kupidigurwa nemauto.

Ishe Murinye vakaberekwa vachinzi Ephias Munodawafa uye vanozvitiwo inhengo yeZanu-PF.

Asi VaChiwenga vakati Ishe Murinye vaongororwe nebazi rezvematunhu nekanzuru yemadzishe uye vakaonekwa vaine mhosva votorerwa matanho.

Asi mutungamiri wedare remadzishe Ishe Fortune Charumbira, avo vari kunzi vaferefete Ishe Murinye vakaendeswawo kumatare edzimhosva neElection Resource Centre vachipomerwa mhosva yekutyora chikamu 281 (2) chebumbiro remutemo chekuti madzishe asatore mativi panyaya dzezvematongerwo enyika.

Dare repamusoro rakapa mutongo wekuti Ishe Charumbiora vainge vatyora mutemo.

Nhengo yeZanu-PF, VaGilbert Dzikiti, vanoti Ishe Murinye vainge voita zvematongerwo enyika nekushora hurumende parufu asi vachikwanisa kutaurirana nevatungamiri kuburikidza nedare remadzishe.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vari mukuru wesangano reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vati VaChiwenga vanofanira kuziva kuti havasi pamusoro pemutemo uye madzishe akasungunuka kutaura zvaanofunga.

Hurukuro naVaGilbert Dzikiti naVaFarai Maguwu
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG