Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Oshorwa neKuregedza Zanu-PF Ichiita Sarudzo Asi vanopikisa Vachisungwa muNguva yeCovid-19


Mamwe mapato anopikisa ari kupomera hurumende mhosva yekushandisa mitemo yeCovid-19 kutyora kodzero dzavo nekuvasunga vakaunga.

Vanotiwo hurumende iri kutsika madziro pakuti sarudzo dzema by-election dziitwe munzvimbo makumi maviri nemasere mudare reparamende uye zana neshanu mumakanzuru ichiti hazvikwanisike nekuda kwechirwere cheCovid-19. Makereke nevamwe vezvimwe zvitendero vakarambidzwawo kuita magungano munguva ino.

Asi svondo rino bato reZanu-PF rakabvumidzwa kuita sarudzo dzaro dzematunhu rakatochengetedzwa nemapurisa pasina kutevedzerwa mitemo yeCovid-19 kunzvimbo dzakawanda.

United Nations yakatoyambira hurumende dzepasi rose kuti dziregedze tsika yekushandisa chirwere cheCovid-19 senzira yekutyora kodzero dzevanhu uye kumbunyikidza vanopikisa.

Gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe vakaudza Studio 7 kuti itumire mibvinzo panyaya yekuti mapurisa ari kutarisa kuti wabuda mumba maani asi vange vasati vapindura kubva nezuro.

Mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi vati mutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa vange vachiita misangano yavo vasingarambidzwe nemapurisa. Asi bato reMDC rinoti raitozoita misangano zvenharo sezvo mapurisa nevatsigiri veZanu-PF vaivarambidza zvakafa kuti imwe nhengo yebato iri Va vaitwe kafiramberi kuMasvingo.

Nhengo yeMDC Alliance inomiririra Warren Park mudare reparamende VaShakespear Hamauswa vanoti mashandiro evanodzivirira nyika anofanira kuvandudzwa kuti vasarerekere bato rimwe chete.

Hurukuro naVaTafadzwa Mugwadi naVaShakespear Hamauswa
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG