Accessibility links

Breaking News

Vanhu Gumi neVatatu (13) Vofa neCovid-19 Mukutanga kweGore ra2022


Bazi rezvehutano rinoti mukutanga kwegore ra2022, vanhu gumi nevatatu vakafa nechirwere cheCovid-19 zvasiya vafa nechirwere icho kubva zvachatanga kupararira muna 2019 vave zviuru zvishanu negumi nevanomwe kana kuti 5 017.

Vanhu mazana mapfumbamwe nemakumi mashanu nevashanu kana kuti 955 vakabatwa nechirwere ichi nezuro zvasiya vabatwa nacho vave mazana maviri ezviuru negumi nevana ane mazana maviri negumi nevana kana kuti 214 214.

Vanhu vabayiwa nhomba yekutanga vave mamiriyoni mana nezviuru zana nemakumi maviri nemapfumbamwe zvine mazana mapfumbamwe nemakumi mashanu nemaviri kana kuti 4 129 952.

Vanhu vabayiwa nhomba kaviri vave mamiriyoni matatu nezviuru zana nemakumi mana zvine mazana matatu nemakumi mana nemashanu kana kuti 3 140, 345.

Vanhu vabayiwa nhomba katatu zvikuru vanoshanda muzvipatara, vakwegura nevamwe vane zvirwere zvinovaisa munjodzi yekurwara zvakaipisisa vakabatwa nechirwere ichi vave zviuru zvishanu nemazana matanhatu nemakumi maviri nematatu kana kuti 5, 623.

Bazi rezvehutano rine hurongwa hqwekubaya vanhu mamimiriyoni gumi nhomba kuti inyatsoshande zvakanaka. Hurongwa hwaivepo hwaive hwekuti izvi zviitwe mukupera kwaZvita gore rapera asi hazvina kubudirira.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG