Accessibility links

Breaking News

Egpyt Yotatsurana neSenegal Mufainari yeAfcon


Sadio Mane naMohamed Salah

Makwikwi eAfrica Nations Cup 2021 ari kutarisirwa nhasi kusvika kwamvura yacheka makumbo nemutambo wefainari pakati peEgypt neSenegal.

Mutambo uye wakamirirwa nevakawanda sezvo paine vatambi vane mukurumbira vanoti Mo Salah anotambira Egypt neLiverpool uye Sadio Mane anotambira Senegal neLiverpool zvekareuye Edouard Mendy mubati wepagedhi weSenegal neChelsea ari kushura mare pasi rose nekuva mangoyi wemhando yepamusoro.

Egypt yasimudza mukombe uyu kanomwe, Senegal haisati yambouhwina. Vanoongorora nyaya dzezvemitambo VaBrian Musekiwa vemuMaryland America vanoti vanoona sekuti Senegal yavanoti ine vatambi vakawanda vepamusoro ichakunda Ehypt 2-1.

Nezuro Cameroon yakakunda Burkina Faso 5-3 mumapenalties mushure mekuita mangange 3-3 pakurwira chidanho chechitatu kumakwikwi aya.

Hurukuro naVaBrian Musekiwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG