Accessibility links

Breaking News

Dr Khupe Voendesa kuDare VaMwonzora, VaMthuli Ncube naVaZiyambi neNyaya yeMari


VaDouglas Mwonzora na Doctor Thokozani Khupe
VaDouglas Mwonzora na Doctor Thokozani Khupe

Mutungamiri webato reMDC-T Muzvare Thokozani Khupe nemusi weMugovera vakaendesa mutungamiri weMDC Alliance VaDouglas Mwonzora, gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube, gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi kudare repamusoro panyaya yemari inopihwa mapato ezvematongerwo enyika anenge akwanisa kuwana mavhoti anodarika zvikamu zvishanu kubva muzana musarudzo.

Kunyangwe Doctor Khupe vakati bato iri rainge ratsemuka nepakati nekudaro mari inosvika miriyoni imwe chete nezviuru mazana matatu ekuAmerica pamusika weRBZ kana kuti US$1,3 million igovanwe zvakaenzana, hurumende yakaenderera mberi nekupa mari yose kuna VaMwonzora nebato ravo. Chikwata cheMDC chinotungamirwa naVaMwonzora chakaita musangano chikati chadzinga Doctor Khupe mubato.

Mutauriri weMDC Alliance VaWitness Dube vaudza Studio 7 kuti Doctor Khupe vakadzingwa mubato nekudaro havafanire kutaura zvavari kutaura.

Hurukuro naVaWitness Dube
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sezvo tichitema tisina divi ratinorerekera, tabata mutauriri webato reMDC-T rinotungamirwa naDoctor Khupe VaNtando Ndlovu avo vatenda kuti vakaendesa VaMwonzora, VaZiyambi Ziyambi naVaMthuli Ncube.

Hurukuro naVaNtando Ndlovu
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG