Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vana Vofa Asi Bazi rezveHutano Rinoti Zvinhu Zvave Kuita Zviri Nani


Bazi rezvehutano rinoti vanhu vana vakafa nechirwere cheCovid-19 nemusi weMugovera zvasiya vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zviuru zvishanu nemazana makumi mapfumbamwe nevaviri kana kuti 5 292.

Vanhu mazana maviri negumi nevasere vakabatwa nechirwere ichi neMugovera zvasiya vabatwa nacho vave mazana maviri ezviuru nemakumi maviri nemasere ane zana nemakumi manomwe nevapfumbamwe kana kuti 228 179.

Mukuru anoona nezvekudzivirirwa kwechirwere cheCovid-19 munyika Dr Agness Mahomva vanoti vari kufara kuti huwandu hwevari kubatwa nekufa nechirwere ichi munyika huri kuramba huchidzikira.

Bazi rezvehutano rinoti vanhu mamiriyoni mana nezviuru mazana maviri nemakumi matatu nevapfumbamwe nemazana maviri nemakumi matanhatu nemumwe kana kuti 4 239 261 vabayiwa nhomba kekutanga.

Vabayiwa nhomba kaviri vave mamiriyoni matatu nezviuru mazana maviri nemakumi matanhatu nemanomwe ane mazanamaviri nemakumi mashanu nevatatu kana kuti 3 267 253. Vanhu vabayiwa nhomba katatu sezvave kukurudzirwa vave zviuru zvina nechimwe zvine mazana mapfumbamwe nemakumi masere nevatanhatu kana kuti 41 986.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG