Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vaviri Vofa neChirwere cheCovid-19 neMugovera Nyanzvi Dzichikurudzira Vanhu Kuti Vasarivare


coronavirus covid-19 omicron

Bazi rezvehutano rinoti vanhu vaviri vakafa nechirwere cheCovid-19 nemusi weMugovera zvasiya vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave vave zviuru zvishanu nemazana matatu nemakumi matanhatu nevaviri kana kuti 5, 362.

Vanhu makumi matanhatu nevashanu vakabatwawo nechirwere ichi neMugovera zvekare zvasiya vabatwa nacho kubva zvachatanga kupararira vave zviuru mazana maviri nemakumi maviri nechimwe zvine makumi maviri nevanomwe kana kuti 221, 027.

Bazi rezvehutano rinoti vanhu vabayiwa nhomba yekutanga vave mamiriyoni mana nezviuru mazana maviri nemakumi mapfumbamwe zvine mazana maviri nemakumi matanhatu nevasere.

Vanhu vabayiwa nhomba kaviri vave mamiriyoni matatu nezviuru mazana matatu negumi nemapfumbamwe zvine makumi manomwe nevapfumbamwe kana kuti 3 319 079.

Vanhu vabayiwa nhomba kechitatu vave zviuru makumi matanhatu nematanhatu zvine mazana mapfumbamwe nemakumi mapfumbamwe nevana kana kuti 66 994.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana kuti inyatsoshanda zvakanaka.

Mukuzuru anoona nezvekudzivirirwa kwechirwere ichi munyika Dr Agnes Mahomva vakaudza Studio 7 kuti vari kufara nekuti huwandu hwevari kufa nekubatwa nechirwere cheCovid-19 huri kuramba huchidzikira asi vakati vanhu vanofanira kunobayiwa nhomba uye kuramba vachitevedzera zviri kukurudzirwa nebazi rzvehutano kudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Dr Enoch Mayida vakambotungamira chipatara cheChitungwiza vanoti vanotenderana nemashoko aDr Mahomva kuti vanhu vabayiwe nhomba nekuti chirwere ichi chave nenhoroondo yekupota chichidzoka zvine mutsindo nguva dzose vanhu pavanenge varivara.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG