Accessibility links

Breaking News

RBZ Yotsvaga Nzira dzeKusimbaradza Dhora reMunyika Iro Roramba Richishaya Simba Zvokwidza Mitengo


Gavhua weRBZ Doctor John Mangudya

Reserve Bank of Zimbabwe iri kuita misangano yechimbi chimbi nevemabhizimisi kuyedza kudzikamisa hupfumi hwenyika hwananga zvakare kumawere zvichitevera kushaya simba kworamba kuchiita dhora remunyika zvokonzera kusagadzikana sezvo mitengo yezvinhu iri kuramba ichikwira uku mihoro yevashandi isiri kuwedzerwa.

Mumashoko kuvatori venhau mushure mekupera kwemusangano nevemabhizimisi nemusi weChishanu, gavhuna weRBZ VaJohn Mangudya vakati nhaurirano dzinofanira kuenderera mberi asi vakati bazi rebhanga ravo rekuferefeta huori kana kuti reFinancial Intelligence Unit richaranga vose vari kutengesa mari pamukoto uye kudhurisa zvinhu zvisina kukodzera. VaMangudya vakavimbisawo kupa vemabhizimisi mari dzavanenge vatenga pamusika weRBZ Foreign Currency Auction nechimbi chimbi kuti vatange mabasa ekugadzira zvinhu uye kutsvaga nzira dzekusimbaradza dhora remunyika iro roramba richishaya simba. Mumwe akapinda mumusangano uyu mutungamiri weConfederation of Zimbabwe Retailers VaDenford Mutashu. vanotiwo vari kunetsekana nekukwira zvakanyanya kwemutengo wechingwa nezvikamu gumi nezvishanu kubva muzana.

Asi mumashoko kuvatori venhau, sachigaro weGrain Millers Association of Zimbabwe VaTafadzwa Musarara vakati mari yainge yakwira mutengo pamusika weRBZ Foreign Currency Auction uye kushaikwa kwemagetsi kuri kupa kuti vanobika vashandise dhiziri rinodhura.

Munyori mukuru wesangano revashandi reZCTU VaJaphet Moyo vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kumushandi.

Vachipawo pfungwa dzavo Muzvinafundo Gift Mugano vati zviri kuitwa neRBZ kumhanyirira kunorima nebadza risina mupini.

Vaimbotungamira sangano remabhizimisi reConfederation of Zimbabwe Industries VaCallisto Jokonya vati dhora remunyika rinosimba chete kana zvinhu zvakawanda zvagadzirwa nekukwenenzverwa munyika.

Kunyangwe zvinhu zviri kuratidza kusagadzikana, gurukota rezvemari VaMthuli Ncube vanoti vanotarisira kuti hupfumi huchakwira gore rino nezvikamu zvishanu nechidimbu kubva muzana kana kuti 5,5% uye mitengo yezvinhu ichiderera.

World Bank inotiwo inotarisira kuti hupfumi hweZimbabwe hukwire nezvikamu zvina nezviga zvitatu kubva muzana kana kuti 4, 3% gore rino ndokunge paita goho rakanaka nekusimbaradza nyaya dzezvehupfumi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG