Zimbabwe yatarisana nerimwe dutumupengo remhepo nemafashamu emvura rinonzi Cyclone Batsirai iro rakatotanga kuvhiringidza nyika yeMadagascar.
Chiziviso ichi chabva kusangano re Southern Africa Development Committee’s (SADC) Climate Services Centre richiti dzimwe nyika dzichatarisana nedambudziko iri dzinoti Namibia, Malawi, Tanzania, the Comoros Islands, Mauritius, South Africa, Mozambique, Angola, Zambia neDRC. Izvi zviri ku kutarisirwa kukanganisa zvakanyanya nzvimbo dzekuManicaland dzakaparadzwa nemafashamu emvura eCyclone ada ichangopera.
Mumwe mugari wekuChimanimani VaPardon Maguta vanoti kuanicaland kwange kuchipisa asi zvichiratidzapachena kuti kunogona kutanga kunaya zvakanyanya.
Vaudza Studio 7 kuti vakawanda vakanzwa nezveyambiro asi vakati vari parumananzombe sezvo mazuva apera vakaparadzirwa zvimwe zvivakwa zvange zvogadziriswa nehurumende zvakaita sedzimba, mazambuko nemigwagwa.
Facebook Forum