Accessibility links

Breaking News

Vakuru veMapurisa muBulawayo Voswera Vachibvunzurudza nezvaVaChamisa


VaNelson Chamisa mutungamiri weCitizens Coalition for Change

Mapurisa emuBulawayo anonzi ari kuenderera mberi achida kuziva kuti mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa vachange vachifamba sei vakaenda kuguta iri sezviri kutarisirwa.

VaChamisa vari kutarisirwa kuti vachaenda kumisangano muguta iri sezvo nyika yatarisana nesarudzo dzemaby-election dzenhengo dzedare reparamende uye dzemakanzuru.

Mutauriri webato iri muBulawayo VaSwithern Chirowodza vaudza Studio 7 kuti nezuro vakuru vakuru vemapurisa muguta iri vakaswera vachifonera vakuru vebato muguta iri nekuvadaidza kumahofisi avo. VaChirowodza vanoti mamwe mapurisa akawanda ari kutumirwa kumahofisi kwavo kunobvunzurudza nezvaVaChamisa.

Mapurisa ari kunziwo akarambidza veCCC kufamba nemotokari vachitsvaga rutsigiro muguta iri.

VaChirowodza vanoti vari kushamisika nezviri kuitwa nemapurisa zvavanoti kutyora bumbiro remitemo sezvo bato ravo riine kodzero yekutsvaga rutsigiro parinodira kwete kuti rirambe richifudzwa nemapurisa.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe sezvo nharembhozha yavo yange isiri kudairwa. Asi vanogara vachiudz Studio 7 kuti mapurisa haatarise kuti wabuda mumba maani.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG