Accessibility links

Breaking News

Dr Mahomva Vanoti Zvikoro Zvichavhurwa Chete Kana Zvinhu Zvagadzikana Mukurwisa Covid-19


Bazi rezvehutano rinoti vanhu gumi vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro zvasiya vafa nacho kubva zvachatanga kupararira vave zviuru zvishanu nemazana maviri nemakumi manomwe nevatanhatu kana kuti 5276.

Vanhu mazana mana negumi nemumwe vakabatwa nechirwere ichi nezuro zvasiya vabatwa nacho kubva zvachatanga kupararira muna 2019 vave zviuru mazana maviri nemakumi maviri nezvinomwe nemazana mashanu nemakumi mashanu nevaviri kana kuti 227 552.

Vanhu vabayiwa nhomba kekutanga vave mamiriyoni mana nezviuru mazana maviri nemakumi maviri nezviviri zvine mazana masere nemakumi matatu nevana kana kuti 4 22 834.

Vanhu vabayiwa nhomba kaviri vave mamiriyoni matatu nezviuru mazana maviri nemakumi mana nezvipfumbamwe zvine mazana mana nemakumi mashanu kana kuti 3 249 450.

Vanhu vabayiwa nhomba katatu vave zviuru makumi matatu nezvitatu zvine mazana matatu nemakumi matatu nemumwe kana kuti 33 331.

Hurumende inotiwo ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nnhomba kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana kuti inyatsoshanda zvakanana.

Zvichakadaro, mukuru anoona nezvekudzivirira chirwere cheCovid-19 munyika, Doctor Agnes Mahomva, vanoti zvikoro zvichavhurwa chete kana hurumende yagutsikana kuti zvinhu zvagadzikana sezvakataurwa nevakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga.

VaChiwenga vanovazve gurukota rezvehutano vakati hurumende ichaona kuti zvovhurwa here mukutanga kwaKukadzi zvichienderana nekupararira kunenge kuchiita chirwere ichi.

Vamwe vabereki vari kuchema chema kuti vamwe vanasikana vave kubatira pamuviri nekusaenda kuchikoro uye huwandu hwevari kufa nekubatwa nechirwere ichi hwaderera zvakanyanya.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG