Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Votaura Nezve Gwara reBato Ravo Idzva reCCC


VaNelson Chamisa mutungamiri weCCC

Mutungamiri webato idzva rinopikisa reCitizens Coalition for Change kana kuti CCC VaNelson Chamisa vanoti bato ravo riri mubisi kunyora magwaro matsva anonyatsojeka muono wavo uye gwara ravachatora vakakunda musarudzo dzinotevera dza2023.

VaChamisa vati magwaro aya achatarisa nyaya dzekudzivirirwa kwenyika uye h

VaChamisa mumwe wevakatanga bato reMDC muna 1999 asi vamwe vatsigiri vebato iri vange vogunun’una kuti zita iri range rasviba nekuda kwekunetsana kwaiguma kwopatsanura bato.

Kunyangwe hazvo VaChamisa vakashandisa zita rekuti MDC Alliance musarudzo dzemuna 2018, VaDouglas Mwonzora vange vamboti vari kuMDC-T vakazoti vave kuda kupinda musarudzo vachishandisa zita rekuti MDC Alliance zvakapa kuti VaChamisa nevamwe vavo vaparure bato idzva.

Bato reCC iri rine ruvara rutsva rweyellow, nemaslogan matsva. VaChamisa vato havafe vakarasa nhoroondo yavo naVaTsvangirai vachiti kana ivo vainge vatovapa tsvimbo yekutungamira semunhu wechidiki.

Hurukuro naVaNelson Chamisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:27:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG