Accessibility links

Breaking News

Vanhu Gumi neVaviri Vofa neCovid-19 neMusi weChipiri


Victoria Falls Covid-19 Vaccination Men

Bazi rezvehutano rinoti vanhu gumi nevaviri vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro zvasiya vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zviuru zvishanu nemazana matatu nemakumi mashanu kana kuti 5,350.

Vanhu zana nemakumi masere nevashanu kana kuti 185 vakabatwawo nechirwere ichi zvasiya vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira muna 2019 vave zviuru mazana maviri nemakumi maviri nemapfumbamwe zvine mazana masere nemakumi masere nemumwe kana kuti 229 851.

Bazi rezvehutano rinotiwo vanhu vabayiwa nhomba yeCovid-19 kekutanga vave mamiriyoni mana nezviuru mazana maviri nemakumi manomwe nemana ne mazana matatu nemakumi manomwe nevanomwe kana kuti 4 274 377.

Vabayiwa nhomba kaviri vave mamiriyoni matatu nezviuru mazana matatu nevatatu nemazana manomwe nemakumi manomwe nevatatu kana kuti 3 303 773.

Vanhu vabayiwa nhomba katatu vave zviuru makumi mashanu nemasere zvine mazana manomwe nemakumi mapfumbamwe nevaviri kana kuti 58 792.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG