Accessibility links

Breaking News

Kekutanga Kubva munaZvita, Hapana Akafa neCovid-19 muNyika neMugovera


Bazi rezvehutano rinoti neMugovera hakuna munhu akafa nechirwere cheCovid-19 kanova kekutanga gore rino kushaya munhu afa nechirwere ichi.

Zuva rakapedzisira nyika kuve kana nemunhu akafa nechirwere ichi musi wa 2 Zvita gore rapera.

Vanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararvave zviuru zvishanu nemazana matatu nemakumi matatu nematatu kana kuti 5, 333.

Vanhu makumi masere nevaviri vakabatwa nechirwere ichi neMugovera zvekare zvasiya vabatwa nacho kubva zvachatanga kupararira vave zviuru mazana maviri zvine makumi maviri nemapfumbamwe nemazana mana negumi nevashanu kana kuti 229 415.

Bazi rezvehutano rinoti vanhu vabayiwa nhomba kekutanga vave mamiriyoni mana nezviuru mazana maviri nemakumi matanhatu nemashanu zvine mazana manomwe nemakumi mana nevanomwe kana kuti 4 265 747.

Vanhu vabayiwa nhomba kaviri vave mamiriyoni matatu nezviuru mazana maviri nemakumi mapfumbamwe nemana zvine mazana maniomwe nemakumi matanhatu nevasere kana kuti 3, 294 768.

Vanhu vabayiwa nhomba katatu vave zviuru makumi mashanu nemashanu zvine makumi masere nemasere kana kuti 55 088. Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana kuti inyatsoshanda zvakanaka.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG